Mika 2
2
1Ʋanenhamo ʋanofuŋga ɀakaipa ʋaciita ɀisakarurama panhoʋo dzaʋo! Ʋanoɀiita maŋgwanani kana kwoedza, nokuti simba rokuɀiita riri mumaʋoko aʋo. 2Ʋanociʋa minda, ndokuipamba, nedzimba, ndokuɀitorera idzo; ʋanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake. 3Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinofuŋgira rudzi urwu ɀakaipa, hamuŋgagoni kubvisa mitsipa yenyu paɀiri, hamuŋgafambi namanyawi, nokuti iŋguʋa yakaipa. 4Nezuʋa iro ʋacataura mufananidzo pamsoro penyu, nokucema nokucema kwokurira, ʋaciti: Takaparadzwa cose, iye unopa ʋamŋe mugoʋe waʋanhu ʋaŋgu, haiwa wanditorera ini sei! Minda yeɗu unoigoʋera ʋanomumukira. 5Saka iwe ucashaiwa munhu unokukandira rwonzi rwokuyera nhaka yako paʋuŋgano yaJehova. 6Regai kuprofita — ndiɀo ɀaʋanoprofita iʋo. Kana ʋasiŋgaprofiti pamsoro peɀinhu iɀi, kushoʋora kwaʋo hakuŋgaperi. 7Nhai imi munonzi imba yaJakobo, Mŋeya waJehova wafupiswa here? Ndiwo maɓasa ake here? Ko mashoko aŋgu haaŋgaitiri ɀakanaka unofamba nokururama here? 8Asi mazuʋa ano ʋanhu ʋaŋgu ʋakandimukira somuʋeŋgi; munobvisa jasi paŋguʋo dzaʋanopfuʋura haʋo norugare ʋasiŋgaɗi kurwa. 9Munodziŋga ʋakadzi ʋaʋanhu ʋaŋgu padzimba dzaʋo dzinofadza; munoterera ʋana ʋaʋo ʋaɗuku mbiri yaŋgu nokusiŋgaperi. 10Simukai, muende, nokuti haizi nɀimbo yokuzorora pano, nemhaka yetȿina inoparadza nokuparadza kwakaipa kwaɀo. 11Kana munhu ari’po, unofambira mhepo nenhema, unoreʋa nhema aciti: Ndicakuprofitera ɀewaini neɀinonwiwa ɀinoɓata, ndiye ucaʋa muprofita waʋanhu aʋa.
12Ɀirokwaɀo ndicakuʋuŋganidzai imi mose, imi Jakobo; ɀirokwaɀo ndicaʋuŋganidza ʋakasara ʋaIsraeri; ndicaʋaisa pamŋe cete samakwai mucirugu, seɓoka ramakwai pakati pamafuro awo; ʋacaita ruzha rukuru nokuwanda kwaʋanhu. 13Mupasanuri wakaʋatuŋgamirira; ʋakapasanura, ʋakapfuʋurira kusuʋo, ʋakaɓuɗa na’po; mambo waʋo wakaʋatuŋgamirira, Jehova ari pamberi paʋo.
Currently Selected:
Mika 2: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018