YouVersion Logo
Search Icon

Mateo 21

21
Jesu unogamucirwa paJerusarema.
(Mar 11:1–10; Ruka 19:29–38; Joh 12:12–15)
1Ʋakati ʋacisweɗera Jerusarema, ʋakaȿika Betefage, pagomo reMiorivi, Jesu akatuma ʋadzidzi ʋaʋiri, 2akati kwaʋari: Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo mucawana mboŋgoro yakasuŋgirwa, inemhuru yayo; mudzisunuŋgure, muʋuye nadzo kwandiri. 3Kana aninani acitaura cinhu kwamuri, muti: Ishe unodziɗa; pakarepo ucadzituma. 4Iɀoɀo ɀakaitwa, kuti ɀakataurwa nomuprofita ɀiitike, paakati:
5Ʋudzai mŋanasikana weZioni:
Tarira Mambo wako unoʋuya kwauri,
Ari munyoro, akataȿa mboŋgoro,
Nemhuru yecipfuwo cinokweʋa.
6Ʋadzidzi ʋakaenda, ʋakaita seɀaʋakarairwa naJesu, 7ʋakaʋuya nemboŋgoro nemhuru, ʋakaisa ŋguʋo dzaʋo pamsoro padzo; akagara pamsoro padzo. 8Ʋazhinji pakati paʋanhu ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo munzira; ʋamŋe ʋakatema mataʋi emiti ʋakaawarira munzira. 9Ʋanhu ʋazhinji ʋakaŋga ʋakamutuŋgamirira, naʋakaŋga ʋaciteʋera, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! Ŋgaakudzwe iye unoʋuya muzita raShe! Hosana kumsoro‐soro! 10Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikapesaniswa, ʋanhu ʋakati: Uyu ndianiko? 11Ʋanhu ʋazhinji ʋakati: NdiJesu muprofita weNazareta reGarirea.
Jesu unonatsa tembere.
(Mar 11:15–18; Ruka 19:45–48; Joh 2:13–17)
12Ɀino Jesu wakapinda mutembere, akaɓuɗisa ʋose ʋaiteŋgesa naʋaiteŋga mutembere; akawisa matafura aʋaitsinhanhisa mari, neɀigaro ɀaʋaiteŋgesa njiʋa, 13akati kwaʋari: Kwakanyorwa kucinzi: Imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera, asi imi munoiita ɓako ramakororo. 14Ɀino mapofu naʋaikamhina ʋakaʋuya kwaari mutembere, akaʋaporesa. 15Asi ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakati ʋaciʋona ɀinoshamisa ɀaakaŋga aciita, naʋana ʋaciɗanidzira mutembere, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! ʋakafa neshuŋgu, 16ʋakati kwaari: Unonzwa ɀaʋanotaura iʋaʋo here? Jesu akati kwaʋari: Hoŋo, hamuna‐kutoŋgoraʋa here, panoti: mumiromo yaʋacece naʋanomŋa makakwanisa kukudza? 17Akaʋasiya, akabva muguta, akaenda Betania, ndokuʋata’po.
Jesu unotuka muʋonde wakaŋga usiŋgaɓereki.
(Mar 11:12–14, 19–24)
18Maŋgwanani wakati acidzokera kuguta, akanzwa nzara. 19Ɀino, wakati aciʋona muʋonde mumŋe panzira, akaenda kwauri, akasawana cinhu kwauri, asi mashizha ɓedzi; akati kwauri: Ŋgakurege kuʋa neɀiɓereko kwauri nokusiŋgaperi. Muʋonde ukawoma pakarepo. 20Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakashamiswa, ʋakati: Muʋonde wawoma pakarepo seiko? 21Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ƌai maiʋa nokutenda, musiŋganyunyuti, hamuŋgaiti iɀi ɀomuʋonde ɓedzi, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe muguŋgwa, ɀicaitwa. 22Neɀose ɀamunokumbira mucinyeŋgetera, kana mucitenda, mucaɀipiwa.
Simba raJesu rinobʋepi.
(Mar 11:27–33; Ruka 20:1–8)
23Wakati acipinda mutembere, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaʋuya kwaari acidzidzisa, ʋakati: Munoita ɀinhu iɀoɀi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri? 24Jesu akapindura, akati kwaʋari: Neni ndicakubvunzai ʋo shoko rimŋe; kana mukandiʋudza iro, neni ndicakuʋudzai ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi. 25Rubapatidzo rwaJohane rwakabvepiko? Kuɗeŋga kana kuʋanhu here? Ʋakataurirana ʋaciti: Kana tikati, Kuɗeŋga, ucati kwatiri: Makagoregerei kumutenda? 26Asi kana tikati, Kuʋanhu, tinotya ʋanhu ʋazhinji; nokuti ʋose ʋanoti, Johane muprofita. 27Ʋakapindura, ʋakati kunaJesu: Hatiziʋi. Akati kwaʋari: Neni handiŋgakuʋudziyi ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi.
Mufananidzo waʋana ʋaʋiri.
28Ɀino munofuŋgeiko? Mumŋe munhu wakaŋga anaʋana ʋaʋiri; akaenda kunowokutaŋga, akati: Mŋana, enda nhasi kundoɓata mumunda waŋgu wemizambiriŋga. 29Iye akapindura, akati: Handiɗi; asi pashure akaɀidya mŋoyo, akaenda. 30Akaenda kunowecipiri, akataura saiɀoɀo. Iye akapindura, akati: Ndinoenda, ishe; akasaenda. 31Ndoupiko kunaiʋaʋo ʋaʋiri wakaita kuɗa kwaɓaɓa ʋake? Ʋakati: Wokutaŋga. Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋateresi neɀifeʋe ʋanokutaŋgirai kupinda muʋushe bgaMŋari. 32Nokuti Johane wakaʋuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi ʋateresi neɀifeʋe ʋakamutenda. Imi makati muciʋona iɀoɀo, hamuna‐kuzoɀidya mŋoyo mukamutenda.
Mufananidzo waʋarimi ʋakaipa.
(Mar 12:1–12; Ruka 20:9–18)
33Inzwai mumŋe mufananidzo: Mumŋe munhu waiʋa’po, mŋene weimba, wakasima munda wake wemizambiriŋga; akaukomba noruzhowa, akacera pokuȿinira mauri, akaʋaka cirindo, akaupa ʋarimi, ndokufamba rwendo. 34Ŋguʋa yeɀiɓereko yakati yoȿika, akatuma ʋaranda ʋake kuʋarimi, kundotora ɀiɓereko ɀake. 35Asi ʋarimi ʋakaɓata ʋaranda ʋake, ʋakaroʋa mumŋe, ʋakaʋuraya mumŋe, ʋakataka mumŋe namabge. 36Akatuma ɀe ʋamŋe ʋaranda, ʋazhinji kunoʋokutaŋga; ʋakaʋaitira saiɀoɀo. 37Ɀino pashure akatuma mŋanakomana wake kwaʋari, aciti: Mŋanakomana waŋgu ʋacaʋa nehanya naye. 38Asi ʋarimi ʋakati ʋaciʋona mŋanakomana, ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu ndiye mugari wenhaka; ʋuyai timuʋuraye, titore nhaka yake. 39Ɀino ʋakamuɓata ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga, ʋakamuʋuraya. 40Ɀino kana mŋene womunda wemizambiriŋga acizoʋuya, ucaiteiko naʋarimi iʋaʋo? 41Ʋakati kwaari: Ucaparadza kwaɀo ʋanhu aʋo ʋakaipa, akaisa ʋamŋe ʋarimi mumunda wemizambiriŋga, ʋacazomupa ɀiɓereko neŋguʋa dzaɀo. 42Jesu akati kwaʋari: Hamuna‐kutoŋgoraʋa here paMagwaro panoti:
Ibge rakarashwa naʋaʋaki,
Ndiro rakazoʋa musoro wekona;
Iɀoɀo ɀakaitwa naShe,
Ɀinoshamisa pameso eɗu?
43Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Mucatorerwa imi ʋushe bgaMŋari, bgukapiwa ʋanhu ʋanoɓereka ɀiɓereko ɀabgo. 44Unowira pamsoro pebge iri, ucavunikanya; asi ricaparadza warinowira. 45Ʋaprista ʋakuru naʋaFarise ʋakati ʋacinzwa mifananidzo yake, ʋakaziʋa kuti unoʋareʋa iʋo. 46Ɀino ʋakatȿaka kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu ʋazhinji, nokuti ʋakaŋga ʋaciti muprofita.

Currently Selected:

Mateo 21: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in