Mateo 14
14
Kuʋurawa kwaJohane Mubapatidzi.
(Mar 6:14–29; Ruka 9:7–9)
1Neŋguʋa iyo Herode, muɓati, wakanzwa mukurumbira waJesu, 2akati kuʋaranda ʋake: Uyu ndiJohane mubapatidzi; wakamuka kuʋakafa, saka masimba awa anoɓata maari. 3Nokuti Herode wakaŋga aɓata Johane, akamusuŋga, akamuisa mutoroŋgo, nokuɗa kwaHerodiasi, mukadzi waFiripo, munuŋuna wake. 4Nokuti Johane wakati kwaari: Haunakutenderwa kuti uʋe naye. 5Ɀino wakaŋga aciɗa kumuʋuraya, asi wakatya ʋanhu ʋazhinji, nokuti ʋaiti muprofita. 6Asi zuʋa rokuɓerekwa kwaHerode rakati raȿika, mukunda waHerodiasi akatamba pakati paʋo, akafadza Herode. 7Naiɀoɀo wakamupikira nemhiko kuti ucamupa cinhu cipi necipi caaneŋge acakumbira. 8Ɀino iye, wakati arairwa namai ʋake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohane Mubapatidzi. 9Mambo akaɀidya mŋoyo, asi nokuɗa kwokupika kwake, ʋuye nokuɗa kwaʋakaŋga ʋagere pakudya, akaraira kuti apiwe. 10Akatuma murwi kundogura musoro waJohane mutoroŋgo. 11Ʋakaʋuya nomusoro wake uri mundiro, musikana akapiwa; iye akaenda nawo kunamai ʋake. 12Ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋakatora mutumbu, ʋakauʋiga; ndokuenda kundoʋudza Jesu.
Ʋaneɀuru ɀishanu ʋanopiwa ɀokudya naJesu.
(Mar 6:30–44; Ruka 9:10–17; Joh 6:1–14)
13Jesu wakati aɀinzwa, akabva’po negwa, akaenda kurenje ari oga. Ɀino ʋanhu ʋaciɀinzwa, ʋakabva kumaguta, ʋakamuteʋera netsoka. 14Ɀino wakati aciɓuɗa mugwa, akaʋona ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, akaʋanzwira tsitsi, akaporesa ʋarwere ʋaʋo. 15Ɀino aʋa maɗekwana, ʋadzidzi ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Pano irenje, zuʋa roɗa kuʋira, endisai ʋanhu ʋazhinji, ʋaende kumisha, ʋandoɀiteŋgera ɀokudya. 16Asi Jesu wakati kwaʋari: Haʋafaniri haʋo kuenda; imi muʋapei ɀaʋaŋgadya. 17Ʋakati kwaari: Hatinecinhu pano, asi ɀiŋgwa ɀishanu ɓedzi nehoʋe mbiri. 18Iye akati: Ʋuyai naɀo ʋuno kwandiri 19Akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi paʋuswa, akatora ɀiŋgwa ɀishanu nehoʋe mbiri, ndokutarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akameɗura ɀiŋgwa, ndokupa ʋadzidzi ʋake, ʋadzidzi ʋakapa ʋanhu ʋazhinji. 20Ʋakadya ʋose, ʋakaguta; ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu anegumi namaʋiri azere. 21Ʋakaŋga ʋadya ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀishanu, ʋakadzi naʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi.
Jesu unofamba pamsoro pemʋura.
(Mar 6:45–56; Joh 6:16–21)
22Pakarepo wakagombedzera ʋadzidzi ʋake kuti ʋapinde mugwa, ʋamutuŋgamirire mhiri, iye ndokusara kuendisa ʋanhu ʋazhinji. 23Ɀino wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyeŋgetera; aʋa maɗekwana wakaŋga ari’po ari oga. 24Asi igwa ɀino rakaŋga raʋa pakati peguŋgwa, ricitambudzika namafuŋgu, nokuti mhepo yakaŋga iciʋadziʋisa. 25Neŋguʋa yecinna yoʋusiku akaʋuya kwaʋari, acifamba pamsoro peguŋgwa. 26Ɀino ʋadzidzi ʋakati ʋacimuʋona acifamba pamsoro peguŋgwa, ʋakamanikidzwa, ʋaciti madzimudzaŋgara, ʋakaɗanidzira nokutya. 27Pakarepo Jesu akataura naʋo, akati: Tsuŋgai mŋoyo ndini, musatya. 28Ɀino Petro akamupindura, akati: Ishe, kana muri’mi, ndiraire kuti ndiʋuye kwamuri pamsoro pemvura. 29Iye akati: Ʋuya! Petro akaɓuruka mugwa, akafamba pamsoro pemvura, akaenda kunaJesu. 30Asi wakati aciʋona mhepo inesimba, akatya; ɀino wakati otaŋga kunyura, akaɗanidzira aciti: Ishe, ndiponesei! 31Pakarepo Jesu akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati kwaari: Iwe unokutenda kuɗuku, wanyunyutireiko? 32Ʋakati ʋapinda mugwa, mhepo ikanyarara. 33Ipapo ʋakaŋga ʋari mugwa ʋakamunamata, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, ndimi Mŋanakomana waMŋari!
34Ʋakati ʋayambukira mhiri, ʋakaȿika panyika yeGenesareti. 35Ʋarume ʋenɀimbo iyo ʋakamuziʋa, ʋakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza; ʋakaʋuya kwaari naʋose ʋairwara; 36ʋakakumbira ɀikuru kwaari kuti ʋaɓate cete mupendero weŋguʋo yake; ʋose ʋakaɓata ʋakaporeswa.
Currently Selected:
Mateo 14: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018