Revitiko 7
7
1Murairo wecipiriso cemhoȿa ndiwo: Citȿene kwaɀo. 2Paʋanoʋurayira cipiriso cinopiswa, ndi’po paʋanofanira kuʋuraya cipiriso cemhoȿa; ropa raco unofanira kurisasa pamsoro peartari kunhiʋi dzose. 3Ɀino ŋgaapisire mafuta aco ose, mafuta eɓemhe, namafuta anofukidza ʋura, 4netȿo mbiri, namafuta ari pamsoro padzo, ari paciʋuno, namafuta ari pamsoro peciropa, ŋgaaɀibvise pamŋe cete netȿo. 5Ɀino muprista ŋgaaɀipise paartari, ciʋe cipiriso cinoitirwa Jehova nomŋoto; cipiriso cemhoȿa. 6Ʋarume ʋose kuʋaprista ŋgaʋacidye; cidyiwe panɀimbo tȿene; citȿene kwaɀo. 7Seɀinoitwa necipiriso ceɀiʋi, ndiɀo ɀinoitwa ʋo necipiriso cemhoȿa; murairo waɀo ndomumŋe; cicaʋa comuprista unoyananisira naco. 8Ʋuye muprista, unopisira cipiriso cinopiswa comunhu, uyo muprista unofanira kupiwa ɗebge recipiriso cinopiswa caakaʋuya naco. 9Cipiriso cimŋe necimŋe coʋupfu, cakaɓikwa mucoto, neɀose ɀakagadzirwa mugaŋgo kana muhari, ɀicaʋa ɀomuprista unoʋuya naɀo. 10Cipiriso cimŋe necimŋe coʋupfu, cakakanyiwa namafuta, kana cakawoma, cinofanira kupiwa ʋanakomana ʋose ʋaAroni, mumŋe nomumŋe, ʋacienzaniswa.
11Ndiwo murairo weɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa, ɀinofanira kupiwa Jehova: 12Kana munhu akaɀipa, kuti aʋoŋge naɀo, pamŋe cete neciɓayiro cokuʋoŋga naco, unofanira kupa ɀiŋgwa ɀiɗuku ɀisina‐kuʋiriswa ɀakakanyiwa namafuta, neɀiŋgwa ɀitete ɀisina‐kuʋiriswa ɀakazodzwa mafuta, neɀiŋgwa ɀakakanyiwa namafuta ɀoʋupfu bgakatsetseka ɀakakaŋgwa. 13Unofanira kupa ʋo cipo cake ceɀiŋgwa ɀakaʋiriswa pamŋe cete neciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa ɀokuʋoŋga naɀo. 14Ɀino pacipiriso ici unofanira kupa cimŋe pacipo cimŋe necimŋe ciʋe cipiriso cinosimudzirwa Jehova; cicaʋa comuprista unosasa ropa reɀipiriso ɀokuyananisa. 15Nyama yeciɓayiro ceɀipiriso ɀake ɀokuyananisa ɀokuʋoŋga naɀo inofanira kudyiwa nomusi waanopa cipo cake; haafaniri kusiya cimŋe caco kuȿikira maŋgwanani. 16Asi kana ciɓayiro cecipo cake ciri cinhu caakapika, kana cipo cokuɗa kwake, cinofanira kudyiwa nomusi waanoɓayira ciɓayiro cake; ɀakasara paɀiri ɀinofanira kudyiwa maŋgwanani; 17asi ɀakasara ɀenyama yeciɓayiro ɀinofanira kupiswa nomŋoto nezuʋa retatu. 18Kana imŋe nyama yeciɓayiro ceɀipiriso ɀake ɀokuyananisa ikadyiwa nezuʋa retatu, haɀiŋgagamucirwi nomufaro kana kunzi ɀakanaka kunaiye wakaɀipa; cicaʋa cinhu cinonyaŋgadza, nomunhu unoɀidya ucaʋa nemhoȿa. 19Nyama yakaɓatana necinhu cisakanaka, haifaniri kudyiwa, inofanira kupiswa nomŋoto. Asi imŋe nyama mumŋe nomumŋe wakanatswa uŋgaidya. 20Asi munhu unodya nyama yeciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa, ɀiri ɀaJehova, aciri netȿina yake, munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake. 21Kana aninani akaɓata cinhu cisakanaka, kana ɀiri ɀisakanaka ɀomunhu kana ɀemhuka isakanaka, kana cimŋe cinhu cisakanaka cinonyaŋgadza, akadya nyama yeciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa ɀiri ɀaJehova, munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
22Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 23Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Musadya mafuta, kana eŋombe, kana egwai, kana embudzi. 24Mafuta ecinhu cakaŋgofa coga, namafuta ecinhu cakaʋurawa neɀikara, aŋgaɓatwa nawo pamaɓasa ose, asi hamufaniri kutoŋgoadya. 25Nokuti aninani unodya mafuta eɀipfuwo ɀaʋanoitira Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto, munhu unoadya unofanira kubviswa pakati porudzi rwake. 26Regai kudya ropa ripi neripi, kana riri reshiri, kana reɀipfuwo, padzimba dzenyu dzose. 27Aninani unodya ropa ripi neripi, munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
28Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 29Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Munhu unoɓayira Jehova ciɓayiro cake ceɀipiriso ɀokuyananisa, unofanira kuʋuya necipo cake kunaJehova cinobva paciɓayiro ceɀipiriso ɀake ɀokuyananisa; 30maʋoko ake amene anofanira kuʋuya neɀipiriso ɀinoitirwa Jehova nomŋoto; ŋgaaʋuye namafuta pamŋe cete necityu, kuti cityu cizuŋguzirwe, ciʋe cipiriso cinozuŋguzirwa pamberi paJehova. 31Ɀino muprista ŋgaapise mafuta paartari, asi cityu ndecaAroni naʋanakomana ʋake. 32Munofanira kupa muprista ɓandauko rorudyi, ciʋe cipiriso cinosimudzwa paɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀenyu ɀokuyananisa. 33Uyo pakati paʋanakomana ʋaAroni unopisira ropa reɀipiriso ɀokuyananisa namafuta, ndiye ucapiwa ɓandauko rorudyi uʋe mugoʋe wake. 34Nokuti cityu cinozuŋguzirwa neɓandauko rinosimudzwa, ndiɀo ɀandakatora kuʋana ʋaIsraeri pakati peɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀaʋo ɀokuyananisa, ndikaɀipa Aroni muprista, naʋanakomana ʋake, ciʋe caʋo nokusiŋgaperi, cinobva kuʋana ʋaIsraeri.
35Ndiwo mugoʋe waAroni, nomugoʋe waʋanakomana ʋake paɀipiriso ɀinoitirwa Jehova nomŋoto, nomusi waakaʋagadza nawo kuti ʋaɓatire Jehova paɓasa roʋuprista; 36wakarairwa naJehova kuti ʋapiwe naʋana ʋaIsraeri nomusi wokuzodzwa kwaʋo. Ndiwo mugoʋe waʋo nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi aʋo ose. 37Ndiwo murairo wecipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu, necipiriso ceɀiʋi, necipiriso cemhoȿa, nowokugadza, noweɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa; 38wakarairwa Mosesi naJehova pagomo reSinai, nomusi waakaraira ʋana ʋaIsraeri, kuti ʋape Jehova ɀipo ɀaʋo murenje reSinai.
Currently Selected:
Revitiko 7: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018