YouVersion Logo
Search Icon

Revitiko 10

10
Nadabi naAbihu ʋanoʋurawa naJehoʋa.
1Ɀino Nadabi naAbihu, ʋanakomana ʋaAroni, ʋakatora mumŋe nomumŋe haryana yake yeɀinonhuwira, ʋakaisa’mo mŋoto, ndokuisa ɀinonhuwira pamsoro pawo, ʋakaʋuya pamberi paJehova nomŋoto usina‐kutenderwa waasina‐kuraira. 2Ipapo mŋoto wakaɓuɗa pamberi paJehova, ukaʋaʋuraya, ʋakafa pamberi paJehova. 3Ɀino Mosesi akati kunaAroni: Jehova wakataura cinhu ici, akati: Ndicaɀiratidza kuti ndiri mutȿene munaʋose ʋanosweɗera kwandiri, ndicaɀirumbidza pamberi paʋanhu ʋose. Aroni akanyarara. 4Ipapo Mosesi akaɗana Mishaeri naErzafani, ʋanakomana ʋaUzieri, ɓaɓamunini ʋaAroni, akati kwaʋari: Sweɗerai, mubvise hama dzenyu pamberi penɀimbo tȿene, muʋatakurire kunze kwemisasa. 5Ipapo ʋakasweɗera, ʋakaʋatakurira kunze kwemisasa ʋanamajasi aʋo, seɀakaŋga ɀataurwa naMosesi. 6Ɀino Mosesi akati kunaAroni nokunaEreazari nokunaItamari, ʋanakomana ʋake: Musasunuŋgura vudzi remisoro yenyu, kana kubvarura ŋguʋo dzenyu, kuti murege kufa, naiye arege kutsamŋira ʋuŋgano yose; asi hama dzenyu, ʋeimba yose yaIsraeri, iʋo ŋgaʋaceme kupisa kwakatuŋgidzwa naJehova. 7Musaɓuɗa pamukoʋa wetente rokusoŋgana, kuti murege kufa, nokuti mafuta okuzodza aJehova ari pamsoro penyu. Ʋakaita seɀaʋakaʋudzwa naMosesi.
Kudya nokunwa kwaʋaprista.
8Ɀino Jehova wakataura naAroni, akati: 9Usanwa waini kana cinhu cinoɓata, iwe naʋanakomana ʋako pamŋe cete newe, kana mucipinda mutente rokusoŋgana, kuti murege kufa; uʋe murairo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose. 10Munofanira kutsaura pakati peɀitȿene neɀisati ɀiri ɀitȿene, pakati peɀisina‐kunaka neɀakanaka; 11munofanira kudzidzisa ʋana ʋaIsraeri mirairo yose yakarairwa naJehova nomuromo waMosesi.
12Ɀino Mosesi wakataura naAroni naEreazari naItamari, ʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋasara, akati: Torai cipiriso coʋupfu cakasara paɀipiriso ɀakapisirwa Jehova nomŋoto, muɀidyire kurutiʋi rweartari ɀisinembiriso, nokuti ɀitȿene kwaɀo; 13munofanira kuɀidyira panɀimbo tȿene, nokuti ndiwo mugoʋe wako nomugoʋe waʋanakomana ʋako paɀipiriso ɀaJehova ɀinoitwa nomŋoto, nokuti ndiɀo ɀandakarairwa. 14Munofanira kudyira panɀimbo tȿene cityu cinozuŋguzirwa neɓandauko rinosimudzwa, iwe naʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako pamŋe cete newe, nokuti makaɀipiwa, kuti uʋe mugoʋe wako, nomugoʋe waʋanakomana ʋako paɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa ɀaʋana ʋaIsraeri. 15Ʋanofanira kuʋuya neɓandauko rinosimudzwa; necityu cinozuŋguzirwa, pamŋe cete neɀipiriso ɀamafuta ɀinopiswa nomŋoto, kuti ʋaɀizuŋguzire, ciʋe cipiriso cinozuŋguzirwa pamberi paJehova; cinofanira kuʋa cako necaʋanakomana ʋako, pamŋe cete newe; unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi, seɀakarairwa naJehova.
16Ɀino Mosesi wakanatso‐tȿaka mbudzi yecipiriso ceɀiʋi, akawana kuti yapiswa, akatsamŋira Ereazari naItamari, ʋanakomana ʋaAroni ʋakaŋga ʋasara, akati: 17Makaregerei kudyira cipiriso ceɀiʋi panɀimbo tȿene, ɀaciri citȿene kwaɀo, ʋuye nokuti wakakupai ico, kuti mubvise kutadza kweʋuŋgano, muʋayananisire pamberi paJehova? 18Tarirai, ropa rayo harina‐kuʋuyiswa mukati menɀimbo tȿene, seɀandakaraira. 19Ipapo Aroni akati kunaMosesi: Tarira, ʋakapisa nhasi cipiriso caʋo ceɀiʋi, necipiriso caʋo cinopiswa pamberi paJehova, ini ndikawirwa neɀinhu iɀi ɀakaɗai; ɀino ɗai ndakadya cipiriso ceɀiʋi nhasi, ɀiŋgaɗai ɀaifadza Jehova here? 20Mosesi wakati acinzwa iɀoɀo, akatenda naɀo.

Currently Selected:

Revitiko 10: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in