Johane 19
19
1Ɀino Pirato wakatora Jesu, akamuroʋesa. 2Ʋarwi ʋakaruka korona yeminzwa, ʋakaiisa pamusoro wake, ʋakamupfekedza ŋguʋo tȿuku, 3ʋakaʋuya kwaari, ʋaciti: Kwaziwai, Mambo waʋaJuda! Ʋakamuroʋa namaʋoko. 4Ipapo Pirato akaɓuɗa ɀe, akati kwaʋari: Tarirai, ndamuɓuɗisira kwamuri, muziʋe kuti handiwani mhoȿa kwaari. 5Jesu akaɓuɗa, akadzika korona yeminzwa, aneŋguʋo tȿuku. Pirato akati kwaʋari: Tarirai munhu! 6Ɀino ʋaprista ʋakuru naʋatariri ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Roʋerai pamucinjikwa, roʋerai pamucinjikwa! Pirato akati kwaʋari: Cimutorai imi, mumuroʋerei pamucinjikwa; nokuti ini handiwani mhoȿa kwaari. 7ƲaJuda ʋakamupindura, ʋakati: Isu tinomurairo, ɀino nomurairo weɗu unofanira kufa, nokuti wakaɀiita Mŋanakomana waMŋari. 8Ɀino Pirato wakati anzwa shoko iri, akanyanya kutya. 9Akapinda ɀe mumba momuɓati, akati kunaJesu: Uri wepiko? Asi Jesu haana‐kumupindura. 10Ipapo Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauziʋi su kuti ndinesimba rokukusunuŋgura, nesimba rokukuroʋera pamucinjikwa? 11Jesu akamupindura, akati: Hauŋgatoŋgoʋi nesimba pamsoro paŋgu, kana usina‐kuripiwa ricibʋa kumsoro; naiɀoɀo wakandiisa kwauri, uneɀiʋi ɀinokunda ɀako. 12Ɀino Pirato akatȿaka kumusunuŋgura; asi ʋaJuda ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Kana mukasunuŋgura munhu uyu, hamuzi shamŋari yaKesari; mumŋe nomumŋe, unoɀiita mambo, unoramba Kesari. 13Ɀino Pirato wakati anzwa mashoko iwayo, akaɓuɗisa Jesu, akagara pacigaro cokutoŋga, panɀimbo yainzi Pakaroŋgwa naMabge, asi neciHeberu Gabata. 14Ɀino wakaŋga uri musi woKugadzirira paseka; yaiʋa nguʋa ineŋge yecitanhatu. Akati kuʋaJuda: Tarirai Mambo wenyu! 15Iʋo ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Bvisai, bvisai, mumuroʋere pamucinjikwa! Pirato akati kwaʋari: Ndoroʋera Mambo wenyu pamucinjikwa here? Ʋaprista ʋakuru ʋakapindura, ʋaciti: Hatinamambo, asi Kesari cete. 16Ipapo akamuisa kwaʋari, kuti aroʋerwe pamucinjikwa.
Jesu unoroʋerwa pamucinjikwa.
(Mat 27:32–56; Mar 15:21–41; Ruka 23:26–49)
Ɀino ʋakaenda naJesu; 17akaɓuɗa, acitakura mucinjikwa wake, akaenda kunɀimbo yainzi, Ƌehenya, neciHeberu icinzi Gorgota, 18paʋakamuroʋera pamucinjikwa, naʋamŋe ʋaʋiri naye, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, Jesu pakati. 19Pirato akanyora ʋo rugwaro, akaruisa pamucinjikwa; kwakaŋga kwakanyorwa, kucinzi: JESU WENAZARETA, MAMBO WAƲAJUDA. 20Ɀino ʋaJuda ʋazhinji ʋakaraʋa rugwaro urwo; nokuti nɀimbo iyo pakaŋga pakaroʋerwa Jesu pamucinjikwa, yaiʋa pedyo neguta; rwakaŋga rwakanyorwa neciHeberu, neciRoma, neciGiriki. 21Ipapo ʋaprista ʋakuru ʋaʋaJuda ʋakati kunaPirato: Musanyora muciti: Mambo waʋaJuda, asi kuti, Iye wakati: Ndiri mambo waʋaJuda. 22Pirato akapindura, akati: Ɀandanyora, ndanyora.
23Ɀino ʋarwi ʋakati ʋaroʋera Jesu pamucinjikwa, ʋakatora ŋguʋo dzake, ʋakaita migoʋe minna, murwi mumŋe nomumŋe mugoʋe wake; neŋguʋo yapasi ʋo. Ɀino ŋguʋo iyi yakaŋga isina‐pakasonwa, asi yakaŋga yakarukwa yose kubva kumsoro kwayo. 24Ɀino ʋakataurirana, ʋaciti: ŋgatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamsoro payo, tiʋone kuti icaʋa yani; kuti Rugwaro ruitike, runoti:
Ʋakagoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo,
Ʋakakanda mijenya pamsoro pecokufuka caŋgu.
Ndiɀo ɀakaitwa naʋarwi. 25Ɀino pamucinjikwa waJesu pakaŋga pamire mai ʋake, nomunuŋuna wamai ʋake, Maria, mukadzi waKropasi, naMaria Magdarene. 26Ɀino Jesu wakati aciʋona mai ʋake, nomudzidzi waaiɗa, amire’po, akati kunamai ʋake: Mai, tarirai, mŋanakomana wenyu. 27Ipapo akati kumudzidzi: Tarira mai ʋako. Kubva paŋguʋa iyo mudzidzi akaʋatora, akaʋaisa kumba kwake.
28Shure kwaiɀoɀo, Jesu wakati aciziʋa kuti ɀose ɀapera, kuti Rugwaro ruitike, akati: Ndinenyota. 29Pakaŋga pamire’po hari izere nevinega; ɀino ʋakaisa cipanje cizere nevinega parutanda rwehisopi, ʋakaruisa kumuromo wake. 30Ɀino Jesu wakati agamucira vinega, akati: Ɀapera! akakotamisa musoro wake, akapa Mŋari mŋeya wake.
31Ɀino ɀawaiʋa musi woKugadzirira paseka, ʋaJuda ʋakakumbira kunaPirato kuti makumbo aʋo avunwe, ʋabviswe, kuti mitumbu irege kugara pamucinjikwa nesaɓata, nokuti zuʋa iro resaɓata raiʋa guru. 32Naiɀoɀo ʋarwi ʋakaʋuya, ʋakavuna makumbo owokutaŋga, noomumŋe wakaŋga aroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye; 33asi ʋakati ʋaciȿika kunaJesu, ʋaciʋona kuti watofa hake, haʋana‐kuvuna makumbo ake, 34asi mumŋe murwi wakaɓaya rutiʋi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura ɀikaɓuɗa. 35Uyo wakaʋona, ndiye wakapupura, ʋuye kupupura kwake ndokwaɀokwaɗi; iye unoziʋa kuti unoreʋa ɀirokwaɀo, kuti nemi ʋo mutende. 36Nokuti iɀoɀo ɀakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti: Fupa rake hariŋgavunwi. 37Norumŋe Rugwaro ɀe runoti: Ʋacatarira uyo waʋakabvoʋora.
Kuʋigwa kwaJesu.
(Mat 27:57–66; Mar 15:42–47; Ruka 23:50–56)
38Shure kwaiɀoɀo Josefa weArimatia, waiʋa mudzidzi waJesu, asi cinyararire nokutya ʋaJuda, wakakumbira kunaPirato kuti abvise mutumbu waJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akaʋuya, akabvisa mutumbu wake 39NaNikodimo ʋo, iye wakamboʋuya kwaari pakutaŋga ʋusiku, wakaʋuya anemura nearosi ɀakaveŋganiswa, mapaundi aneŋge zana. 40Ipapo ʋakatora mutumbu waJesu, ʋakauputira nemiceka pamŋe cete neɀinonhuwira, seɀinoita ʋaJuda pakuʋiga kwaʋo. 41Panɀimbo iyo, paakaroʋerwa pamucinjikwa, pakaŋga panomunda; mumunda imomo maiʋa nobgiro bgutȿa, makaŋga musinakumboiswa munhu. 42Ɀino ʋakaisa Jesu ipapo, ɀawakaŋga uri musi woKugadzirira kwaʋaJuda, (nokuti bgiro bgakaŋga bguri pedyo).
Currently Selected:
Johane 19: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018