Johane 14
14
Jesu unonyaradza ʋadzidzi ʋake.
1Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kunaMŋari, mutende ʋo kwandiri. 2Mumba maƂaɓa ʋaŋgu munenɀimbo zhinji dzokugara; ɗai kusaiʋa kuɗaro, ndiŋgaɗai ndaikuʋudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. 3Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozoʋuya ɀe, ndikugamucirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugoʋa’po ʋo. 4Napandinoenda’po, imi munoziʋa nzira. 5Tomasi akati kwaari: Ishe, hatiziʋi pamunoenda; nzira tiŋgaiziʋa seiko? 6Jesu akati kwaari: Ndini nzira, neɀokwaɗi, noʋupenyu; hapanomunhu unoʋuya kunaƂaɓa, asi nokwandiri. 7Ƌai makaŋga mucindiziʋa, muŋgaɗai maiziʋa ʋo Ƃaɓa ʋaŋgu; kubva ɀino munoʋaziʋa, makaʋaʋona. 8Firipo akati kwaari: Ishe, tiratidzei Ƃaɓa ɀigotiriŋgana. 9Jesu akati kwaari: Ndakaʋa nemi ŋguʋa refu yakaɗai, ko hauzati wandiziʋa here, Firipo? Wandiʋona ini, waʋona Ƃaɓa; ɀino unoreʋa seiko, uciti: Tiratidzei Ƃaɓa? 10Hautendi here kuti ndiri munaƂaɓa naƂaɓa ʋari mandiri? Mashoko andinoreʋa kwamuri, handiareʋi pacaŋgu; asi Ƃaɓa, ʋanogara mandiri, ndiʋo ʋanoita maɓasa aʋo. 11Nditendei kuti ndiri munaƂaɓa, naƂaɓa ʋari mandiri; kana kusi kuɗaro, nditendei nokuɗa kwamaɓasa amene. 12Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, maɓasa andinoita, iye ucaaita ʋo, ucaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaƂaɓa. 13Cinhu cipi necipi camunokumbira muzita raŋgu, ndicaciita, kuti Ƃaɓa ʋakudzwe muMŋanakomana. 14Kana mucikumbira cinhu kwandiri muzita raŋgu, ndicaciita. 15Kana mucindiɗa, mucaceŋgeta mirairo yaŋgu. 16Neni ndicakumbira Ƃaɓa, ʋacakupai mumŋe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusiŋgaperi; 17ndiye Mŋeya waɀokwaɗi; nyika haigoni kumugamucira, nokuti haimuʋoni, kana kumuziʋa; imi munomuziʋa, nokuti ugere nemi, ucaʋa mukati menyu. 18Handiŋgakusiyi muri nherera; ndinoʋuya kwamuri. 19Kucineŋguʋa ɗuku, nyika haicazondiʋoni; asi imi munondiʋona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemi ʋo mucaʋa ʋapenyu. 20Nezuʋa iro mucandiziʋa, kuti ndiri munaƂaɓa, nemi mandiri, neni mamuri. 21Unemirairo yaŋgu, akaiceŋgeta, ndiye unondiɗa; unondiɗa ucaɗikanwa naƂaɓa ʋaŋgu; neni ndicamuɗa ʋo, ndicaɀiratidza kwaari. 22Judasi (usati ari iye Iskarioti) akati kwaari: Ishe, ndokuɗiniko kuti mucaɀiratidza kwatiri, musiŋgaɀiratidzi kunyika? 23Jesu akapindura, akati kwaari: Kana munhu acindiɗa, ucaceŋgeta shoko raŋgu; naƂaɓa ʋaŋgu ʋacamuɗa, ticaʋuya kwaari, tikaita ʋugaro bgeɗu maari. 24Usiŋgandiɗi, haaceŋgeti mashoko aŋgu; shoko ramunonzwa, harizi raŋgu, asi nderaƂaɓa ʋakandituma.
25Ɀinhu iɀoɀi ndakakuʋudzai ndicigere nemi. 26Asi Munyaradzi, Mŋeya Mutȿene, ucatumŋa naƂaɓa muzita raŋgu, iye ucakudzidzisai ɀose, nokukuyeʋudzirai ɀose, ɀandakareʋa kwamuri. 27Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwaŋgu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya. 28Makanzwa kuti ndakati kwamuri: Ndinoenda, ndigodzokera ɀe kwamuri. Ƌai maindiɗa, muŋgaɗai maifara, nokuti ndinoenda kunaƂaɓa; nokuti Ƃaɓa ʋakuru kwandiri. 29Ɀino ndakuʋudzai ɀisati ɀaitika, kuti musi waɀinoitika mugotenda. 30Handicazotauri ɀizhinji nemi, nokuti mucinda wenyika unoʋuya; asi haanecinhu kwandiri; 31asi iɀi ɀinoitika kuti nyika iziʋe kuti ndinoɗa Ƃaɓa, ʋuye kuti seɀandakarairwa naƂaɓa, ndiɀo ɀandinoita. Simukai, ŋgatibve pano.
Currently Selected:
Johane 14: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018