Isaya 60
60
Kunaka kweJerusarema rakaʋandudzwa.
1Simuka, uveneke, nokuti ciedza cako caȿika, kubginya kwaJehova kwaɓuɗa pamsoro pako. 2Nokuti, tarira, rima ricafukidza nyika, nerima guru marudzi aʋanhu; asi Jehova ucaɓuɗa pamsoro pako, kubginya kwake kucaʋonekwa pamsoro pako. 3Marudzi acaʋuya kuciedza cako, namadzimambo kukubginya kwakakuɓuɗira. 4Riŋgira kwose‐kwose nameso ako, uʋone: ʋose ʋanoʋuŋgana pamŋe cete, ʋaciʋuya kwauri; ʋanakomana ʋako ʋacaʋuya ʋacibva kure, ʋakunda ʋako ʋacaɓerekwa pahudyu. 5Ipapo ucaɀiʋona ukapenya nomufaro, mŋoyo wako ucaɗeɗera nokufariswa; nokuti ɀakawanda ɀeguŋgwa ɀicaiswa kwauri, fuma yamarudzi aʋanhu icaʋuya kwauri. 6Makamera mazhinji‐zhinji acakufukidza, nemhuru dzamakamera eMidiani neEfa; ʋose ʋeSheba ʋacaʋuya, ʋacaʋuya nendarama neɀinonhuwira, ʋacaparidza kurumbidzwa kwaJehova. 7Mapoka ose amakwai eKedari acaʋuŋganidzirwa kwauri, makondobge eNebayoti acakushumira; ɀicaiswa paartari yaŋgu ndiciɀifarira, ndicashoŋgedza imba yokukudzwa kwaŋgu. 8Ndianiko aʋa ʋanobururuka segore, senjiʋa dzinoʋuya kumawindi eɀirugu ɀadzo? 9Ɀirokwaɀo, ɀiwi ɀicandimirira, neɀikepe ɀeTarshishi ɀicatuŋgamira ɀiciʋuya naʋanakomana ʋako ʋanobva kure, ʋaciʋuya nesirveri yaʋo nendarama yaʋo kuɀiisa kuzita raJehova Mŋari wako, nokunoMutȿene waIsraeri, nokuti ndiye wakakushoŋgedza. 10Ʋatorwa ʋacaʋaka maȿiŋgo ako, madzimambo aʋo acakushumira; nokuti ndakakuroʋa nokutsamŋa kwaŋgu, asi ndakakunzwira nyasha neŋgoni dzaŋgu. 11Masuʋo ako acagara akazaruka ŋguʋa dzose, haaŋgazarirwi masikati noʋusiku, kuti ʋaʋuyise kwauri fuma yamarudzi aʋanhu namadzimambo aʋo, akatapxa. 12Nokuti rudzi noʋushe, ɀinoramba kukushumira, ɀicaparara; ɀirokwaɀo marudzi iwayo acaparadzwa cose. 13Ɀinobginya ɀeRebanoni ɀicaʋuya kwauri, misipresi, nemipaini nemifiri pamŋe cete, kuti ndishoŋgedze nɀimbo yeimba yaŋgu tȿene; ʋuye ndicabginyisa nɀimbo yetsoka dzaŋgu. 14Ʋanakomana ʋaʋatambudzi ʋako ʋacaʋuya kwauri ʋacikotama; ʋose ʋaikuɀidza ʋacaɀikotamisa pasi‐pasi petsoka dzako; ʋacakutumidza zita rokuti, Guta raJehova, ɀioni roMutȿene waIsraeri. 15Wakaŋga wakasiyiwa nokuʋeŋgwa, kusisinomunhu waipfuʋura nomukati mako, asi ɀino ndicakuita cinhu cinorumbidzwa nokusiŋgaperi, cinofarirwa kuȿikira kumarudzi mazhinji. 16Ucamna ʋo mukaka wamarudzi, ucamna mazamu amadzimambo; ipapo ucaziʋa kuti ini Jehova, ndini Muponesi wako, noMudzikinuri wako, Wamasimba‐ose waJakobo. 17Panɀimbo yendarira ndicaʋuya nendarama, panɀimbo yeɗare ndicaʋuya nesirveri, panɀimbo yamatanda safuri, napanɀimbo yamabge ɗare. Rugare ndicarugadza ruʋe madzishe ako, noKururama kuʋe ʋaɓati ʋako. 18Ɀinoitwa nesimba haɀicazonzwiki panyika yako, kana kurashwa nokuparadzwa pamiganho yako; asi ucatumidza maȿiŋgo ako zita rokuti, Ruponeso, namasuʋo ako Rumbidzo. 19Zuʋa haricazoʋi ciedza cako masikati, mŋedzi hauŋgazokuvenekeri nokupenya kwawo; asi Jehova ucaʋa kwauri ciedza cisiŋgaperi, naMŋari wako kunaka kwako. 20Zuʋa rako haricazoʋiri, mŋedzi wako hauŋgatapudziki; nokuti Jehova ucaʋa ciedza cako cisiŋgaperi, mazuʋa okucema kwako acaguma. 21Ʋanhu ʋako ʋose ʋacaʋa ʋakarurama, ʋacagara nhaka yenyika nokusiŋgaperi, ʋacaʋa ɗaʋi randakasima, neɓasa ramaʋoko aŋgu, kuti ndikudzwe. 22Muɗuku ucaʋa curu, wakaɗukupa ucaʋa rudzi runesimba; ini Jehova ndicakurumidza kuɀiita neŋguʋa yaɀo.
Currently Selected:
Isaya 60: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018