YouVersion Logo
Search Icon

Hagai 2

2
Jehova ucaropafadza tembere yake naʋanhu ʋake.
1Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa ramakumi maʋiri nerimŋe romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika nomuprofita Hagai, riciti: 2Ɀino citaura naZerubaberi mŋanakomana waSheartieri, muɓati waJuda, naJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, naʋanhu ʋose ʋakasara, uti: 3Ndiani wakasara pakati penyu, wakaɗeya kuʋona imba ino pakubginya kwayo kwokutaŋga? Ɀino munoiʋona yakaɗiniko? Pakuʋona kwenyu haina‐kuita sapasina here? 4Asi ɀino ciʋa nesimba, iwe Zerubaberi — ndiɀo ɀinotaura Jehova; newe Joshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, iʋa nesimba; nemi ʋanhu ʋose ʋenyika, iʋai nesimba, muɓate — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndinemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 5Ndiro shoko resuŋgano yandakaita nemi, ŋguʋa yamakaɓuɗa Egipita, mŋeya waŋgu ucigere pakati penyu; regai kutya. 6Nokuti ɀanzi naJehova wehondo: Kamŋe cete, kwasara ciŋguʋa ciɗuku, ndicazunuŋgusa ɗeŋga rose, nenyika neguŋgwa, nenyika yakawoma; 7ndicazunuŋgusa ndudzi dzose; ɀose ɀinoɗikanwa nendudzi dzose ɀicaʋuya; ndicazadza imba ino nokubginya — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 8Sirveri ndeyaŋgu, nendarama ndeyaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 9Kubginya kwokupedzisira kweimba ino kucapfuʋura kwokutaŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; panɀimbo ino ndicapa rugare — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
10Nezuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi wepfumbamŋe, negore recipiri raDariusi, shoko raJehova rakaȿika nomuprofita Hagai, riciti: 11Ɀanzi naJehova wehondo: Cibvunza ʋaprista pamsoro pomurairo, uti: 12Kana munhu acitakura nyama tȿene mumupendero weŋguʋo yake, akagunɀa nomupendero ciŋgwa, kana ɀakaɓikwa, kana waini, kana mafuta, kana ɀokudya ɀipi neɀipi, ko ɀaʋa ɀitȿene here? Ʋaprista ʋakapindura, ʋakati: Kwete. 13Ipapo Hagai akati: Kana munhu, wakaȿiɓiswa nemhaka yokuɓata citunha, akagunɀa cinhu cimŋe caiɀoɀi, ko caȿiɓiswa here? Ʋaprista ʋakapindura, ʋakati: Caȿiɓiswa. 14Ipapo Hagai akapindura, akati: Ndiɀo ɀakaita ʋanhu aʋa norudzi urwu pamberi paŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndiɀo ɀakaita ɀose ɀaʋanoita namaʋoko aʋo, ʋuye ɀaʋanoɓayira’po ɀakaȿiɓiswa. 15Ɀino fuŋgai henyu kubva pazuʋa ranhasi mucidzokera shure, ibge rimŋe ricigere kuiswa pamsoro pebge mutembere yaJehova. 16Neŋguʋa iyo yose kana munhu aciŋge aȿika pamurwi weɀiyo ɀeɀiyero ɀinamakumi maʋiri, ɀaiŋgoʋa’po ɀinegumi; kana munhu akaȿika paciȿiniro cewaini aciti ndinocera hari dzinamakumi mashanu, dzaiŋgoʋa’po dzinamakumi maʋiri. 17Ndakakuroʋai nenyunje nokuvuva necimvuramabge pamaɓasa ose amaʋoko enyu; asi hamuna‐kutendeʋukira kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 18Cifuŋgai henyu kubva pazuʋa ranhasi mucidzokera shure, kubva pazuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi wepfumbamŋe, kubva pazuʋa rakateyiwa nheyo dzetembere yaJehova, fuŋgai iɀoɀo. 19Ko mbeu ici’mo muɗura here? Ɀirokwaɀo, muzambiriŋga nomuʋonde nomutamba nomuorivi haɀina‐kuɓereka; kubva pazuʋa rino ndicakuropafadzai.
20Ɀino shoko raJehova rakaȿika rwecipiri kunaHagai nezuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi, riciti: 21Taura naZerubaberi, muɓati waJuda, uti: Ndicazunuŋgusa ɗeŋga rose nenyika; 22ndicawisira pasi ɀigaro ɀoʋushe; ndicaparadza simba roʋushe bgendudzi; ndicawisira pasi ŋgoro naʋanofamba nadzo; mabiza naʋanoataȿa acawira pasi, mumŋe nomumŋe nomunondo wehama yake. 23Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicakutora iwe, Zerubaberi, muranda waŋgu, mŋanakomana waSheartieri — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicakuita secisimbiso; nokuti ndakakusanaŋgura — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.

Currently Selected:

Hagai 2: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in