YouVersion Logo
Search Icon

Genesi 4

4
Kaini naAberi. Ʋana ʋaKaini.
1Ɀino Adama wakaziʋa mukadzi wake Eva; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati: Ndawana munhu, ndiciɓatsirwa naJehova. 2Akazopona ɀe munuŋuna wake Aberi. Aberi wakaŋga ari mufudzi wamakwai, Kaini wakaŋga ari murimi wevu. 3Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura, Kaini akaʋuya neɀiɓereko ɀevu, ciʋe cipo kunaJehova. 4NaAberi ʋo akaʋuya namakwaiana ake emhoŋgora namafuta awo. Jehova ndokugamucira Aberi necipiriso cake; 5asi Kaini necipiriso cake haana‐kucigamucira. Ipapo Kaini akatsamŋa kwaɀo, ciso cake cikawunyana. 6Ipapo Jehova akati kunaKaini: Watsamŋireiko? Ciso cako cakawunyana nei? 7Kana ukaita ɀakanaka, hauŋgafari here paciso cako? Kana usiŋgaiti ɀakanaka, ɀiʋi ɀinokuʋandira pamukoʋa; ɀicakutȿaka, asi iwe unofanira kuɀikunda. 8Ɀino Kaini wakataurirana nomunuŋuna wake Aberi; ʋakati ʋari kusaŋgo, Kaini ndokumukira Aberi munuŋuna wake, akamuʋuraya. 9Ipapo Jehova akati kunaKaini. Uripiko Aberi, munuŋuna wako? Iye akati: Handiziʋi; ndini mufudzi womunuŋuna waŋgu kanhi? 10Akati: Waiteiko? Inzwi reropa romunuŋuna wako rinoɗanidzira kwandiri panyika. 11Ɀino watukwa, wadziŋgwa panyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamucira ropa romunuŋuna wako paruʋoko rwako; 12kana ucirima ivu, hariŋgakupi simba raro; ucaʋa mutizi nomudzuŋgairi panyika. 13Ipapo Kaini akati kunaJehova: Kurobga kwaŋgu kukuru, handiŋgakutakuri. 14Tarirai, mandidziŋga nhasi panyika ino; ndicaʋanda pamberi penyu; ndicaʋa mutizi nomudzuŋgairi panyika; aninani unondiwana ucandiʋuraya. 15Jehova akati kwaari: Naiɀoɀo aninani unoʋuraya Kaini ucatsibga kanomŋe. Jehova ndokuisira Kaini ciratidzo, kuti munhu unozomuwana arege kumuʋuraya.
16Ipapo Kaini wakabva pamberi paJehova, akandogara panyika yeNodi, kumabvazuʋa kweEdeni. 17Kaini akaziʋa mukadzi wake, akatora mimba, akapona Enoki; akaʋaka guta, akatumidza guta zita romŋanakomana wake Enoki. 18Enoki akaɓerekerwa Iradi; Iradi akaɓereka Mehujaeri; Mehujaeri akaɓereka Metushaeri; Metushaeri akaɓereka Rameki; 19Rameki akawana ʋakadzi ʋaʋiri, zita romumŋe rainzi Ada, zita romumŋe rainzi Zira. 20Ada akapona Jabari; iye waiʋa ɓaɓa ʋaʋanhu ʋanogara mumatente ʋaneɀipfuwo. 21Zita romunuŋuna wake raiʋa Jubari; iye waiʋa ɓaɓa ʋaʋose ʋanoridza mbira nenyere. 22Zira wakapona Tubarikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzendarira neɗare; hanɀadzi yaTubarikaini waiʋa Naama. 23Rameki akati kuʋakadzi ʋake:
Ada naZira, inzwai inzwi raŋgu;
Imi ʋakadzi ʋaRameki, tererai ɀandinotaura;
Nokuti ndinoʋuraya munhu unondikuʋadza,
Nejaya rinondipxanya;
24Kana Kaini acatsibga kanomŋe,
Ɀirokwaɀo Rameki kanamakumi manomŋe nenomŋe.
25Adama akaziʋa ɀe mukadzi wake; akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Seti; nokuti wakati, Mŋari wandipa mumŋe mŋana pacigaro caAberi, ɀaakaʋurawa naKaini. 26NaSeti wakaɓerekerwa mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enoshi. Neŋguʋa iyo ʋanhu ʋakataŋga kuɗana zita raJehova.

Currently Selected:

Genesi 4: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy