YouVersion Logo
Search Icon

ƲaGaratia 4

4
Eʋaŋgeri inotisunuŋgura pamurairo, tiʋe ʋana ʋaMŋari.
1Ɀino ndinoti, mudyi wenhaka, kana aciri mŋana, haatoŋgosiyani nomuranda, kunyaŋge ari ishe waɀose; 2asi uri pasi paʋatariri naʋaceŋgeti kuȿikira paŋguʋa yakatarwa naɓaɓa. 3Saiɀoɀo nesu ʋo, ticiri ʋana, takaŋga takasuŋgwa pasi peɀokuʋamba ɀenyika; 4ɀino ŋguʋa yakati yazara kwaɀo, Mŋari akatuma Mŋanakomana wake, wakaɓerekwa nomukadzi, wakaɓerekwa pasi pomurairo, 5kuti adzikinure ʋari pasi pomurairo, kuti tipiwe ʋumŋana bgeɗu. 6Ɀino ɀamuri ʋanakomana, Mŋari wakatuma Mŋeya woMŋanakomana wake mumŋoyo meɗu, unoɗana, aciti: Aba, Ƃaɓa! 7Saka iwe hauciri muranda, asi mŋanakomana; kana waʋa mŋanakomana, waʋa mudyi wenhaka naMŋari.
8Asi neŋguʋa iyo, ɀamakaŋga musiŋgaziʋi Mŋari, maiʋa ʋaranda ʋaʋamŋari ʋasati ʋari ʋeɀokwaɗi; 9asi ɀino, ɀamunoziʋa Mŋari, ɀikuru ɀamunozikanwa naMŋari, modzokera ɀe seiko kuneɀokuʋamba ɀisinesimba, ɀoʋurombo, muciɗa ɀe kutaŋga kuʋa ʋaranda ʋaɀo? 10Munoceŋgeta misi nemŋedzi, neŋguʋa namakore. 11Ndinotya pamsoro penyu, kuti ɀimŋe ndakaɓate‐ɓasa kwamuri pasina.
12Ndinokumbira kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muʋe seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna‐kundiitira cinhu cimŋe cisakarurama; 13ɀino munoziʋa kuti ndakakuparidzirai Evaŋgeri pakutaŋga nokuɗa kwokurwara panyama; 14necinhu ico panyama yaŋgu, cakaŋga ciri muidzo kwamuri, hamuna‐kuciɀidza, kana kucisema; asi makandigamucira somutumŋa waMŋari, saiye Kristu Jesu. 15Ɀino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo. 16Ɀino ndaʋa muʋeŋgi wenyu, ɀandakakuʋudzai ɀokwaɗi here? 17Ʋanokushiŋgairirai nomutoʋo usakanaka; asi ʋanoɗa kukupfigirai kunze, kuti imi muʋashiŋgairire. 18Ɀino ɀakanaka kuti pacinhu cakanaka kushiŋgairirwe ŋguʋa dzose, ɀirege kuitwa kana ndiri kwamuri ɓedzi. 19Ʋana ʋaŋgu ʋaɗuku, ʋandinotamburira ɀe kuɓereka, kuȿikira Kristu aʋumbga mukati menyu. 20Ndaiɗa kuti ndiʋe nemi ɀino, ndishandure inzwi raŋgu; nokuti ndinokaŋganiswa nokuɗa kwenyu.
Suŋgano mbiri.
21Ndiʋudzei, imi munoɗa kuʋa pasi pomurairo, hamutereri murairo here? 22Nokuti kwakanyorwa kuti Abrahama wakaŋga anaʋanakomana ʋaʋiri, mumŋe womurandakadzi, mumŋe womukadzi wakasunuŋguka. 23Ɀino womurandakadzi wakaɓerekwa nenzira yenyama; asi womukadzi wakasunuŋguka wakaɓerekwa seɀaakapikirwa. 24Ɀinhu iɀi ɀinofananidzira; nokuti ʋakadzi aʋa ʋaʋiri isuŋgano mbiri; imŋe inobva pagomo reSina, inoɓereka ʋana ʋoʋuranda — ndiye Agari; 25ɀino Agari ndiro gomo reSina muArabia, rakaenzana neJerusarema raɀino; nokuti uri paʋuranda iye naʋana ʋake. 26Ɀino Jerusarema riri kumsoro rakasunuŋguka, ndiʋo mai ʋeɗu; 27nokuti kwakanyorwa, kucinzi:
Fara, iwe usiŋgaɓereki, usiŋgaɀari,
Pururudza, uɗanidzire, iwe usiŋgatamburi nokuɓereka,
Nokuti ʋana ʋomusiyiwa ʋazhinji kunowaiye unomurume.
28Ɀino imi, hama dzaŋgu, muri ʋana ʋokupikirwa saIsaka. 29Asi sapaŋguʋa iyo, uyo wakaɓerekwa nenzira yenyama wakatambudza wakaɓerekwa nenzira yoMŋeya, ɀakaɗaro ʋo naɀino. 30Asi Rugwaro runotiyiko? Dziŋga murandakadzi nomŋanakomana wake; nokuti mŋanakomana womurandakadzi haaŋgadyi nhaka pamŋe cete nomŋanakomana wowakasunuŋguka. 31Saka, hama dzaŋgu, hatizi ʋana ʋomurandakadzi, asi ʋowakasunuŋguka.

Currently Selected:

ƲaGaratia 4: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in