Deuteronomio 9
9
Mosesi unoyeʋudzira ʋaIsraeri kutadza kwaʋo.
1Inzwa, iwe Israeri, nhasi unofanira kuyambuka Joridani, kuti upinde nyika kundopiwa ndudzi dzinokupfuʋura paʋukuru nesimba, dziʋe dzako, namaguta makuru anamaȿiŋgo anoȿika kuɗeŋga, 2naʋanhu ʋakuru ʋarefu, ʋana ʋaAnaki, ʋaunoziʋa, ʋawakanzwa ɀicinzi: Ndianiko uŋgamira pamberi paʋana ʋaAnaki? 3Naiɀoɀo uziʋe nhasi kuti Jehova Mŋari wako ndiye unokutuŋgamirira somŋoto unoparadza; iye ucaʋaparadza, iye ucaʋakunda pamberi pako; naiɀoɀo iwe ucaʋadziŋga, nokuʋaparadza nokukurumidza, seɀawakaʋudzwa naJehova. 4Ɀino kana Jehova Mŋari wako aʋadziŋga pamberi pako, usataura mumŋoyo mako, uciti: Jehova wakandipinza munyika ino iʋe yaŋgu, nokuɗa kwokururama kwaŋgu; nokuti Jehova unodziŋga ndudzi idzi nokuɗa kwokuipa kwaʋo. 5Haupindi munyika yaʋo, iʋe yako, nokuɗa kwokururama kwako, kana nokuɗa kwokururama kwomŋoyo wako; asi Jehova Mŋari wako unodziŋga ndudzi idzi pamberi pako nokuɗa kwokuipa kwaʋo, ʋuye kuti asimbise shoko rakapikirwa madziɓaɓa ako naJehova, kunaAbrahama, nokunaIsaka, nokunaJakobo. 6Naiɀoɀo uziʋe kuti Jehova Mŋari wako haakupi nyika iyi yakanaka iʋe yako, nokuɗa kwokururama kwako; nokuti uri rudzi runemitsipa mikukutu. 7Raŋgarira, usakaŋganwa, kuti wakatsamŋisa Jehova Mŋari wako sei murenje; kubva pazuʋa rawakaɓuɗa naro panyika yeEgipita kudzimana maȿika kunɀimbo iyi, makaramba mucimukira Jehova. 8NapaHorebi makatsamŋisa Jehova, Jehova akakutsamŋirai, akaɗa kukuparadzai. 9Ŋguʋa yandakakwira pagomo kundogamucira mahwendefa amabge, iwo mahwendefa esuŋgano, yaakaita iye Jehova nemi, ndakagara mugomo mazuʋa anamakumi manna noʋusiku bgunamakumi manna; ndakaŋga ndisiŋgadyi ɀokudya, kana kunwa mvura. 10Ɀino Jehova akandipa mahwendefa maʋiri amabge, akaŋga akanyorwa nomunwe waMŋari; pamsoro pawo pakaŋga pakanyorwa mashoko ose akaŋga ataurwa kwamuri naJehova pagomo, ari mukati momŋoto nomusi weʋuŋgano. 11Ɀino mazuʋa anamakumi manna noʋusiku bgunamakumi manna ɀakati ɀapera, Jehova akandipa mahwendefa maʋiri amabge, iwo mahwendefa esuŋgano. 12Ɀino Jehova akati kwandiri: Simuka, kurumidza kuɓuruka pano, nokuti ʋanhu ʋako ʋawakaɓuɗisa paEgipita, ʋaɀitadzira; ʋakurumidza kutsauka panzira yandakaʋaraira; ʋaɀiitira mufananidzo wakaʋumbga. 13Ʋuye Jehova akataura neni, akati: Ndaʋona rudzi urwu, tarira, rudzi runemitsipa mikukutu; 14ndirege, ndiʋaparadze, ndidzime zita raʋo pasi peɗeŋga, ndikuite iwe rudzi runoʋapfuʋura nesimba noʋukuru. 15Naiɀoɀo ndakadzoka, ndikaɓuruka pagomo, gomo rikapfuta nomŋoto; ɀino mahwendefa maʋiri esuŋgano akaŋga ari mumaʋoko aŋgu maʋiri. 16Ndikatarira, ndikaʋona kuti makaŋga matadzira Jehova Mŋari wenyu; makaŋga maɀiitira mhuru yakaʋumbga; makaŋga makurumidza kutsauka panzira yamakaŋga marairwa naJehova. 17Ndikaɓata mahwendefa maʋiri, ndikaarashira pasi namaʋoko aŋgu maʋiri, ndikaaputsa muciɀiʋona. 18Ndikawira pasi pamberi paJehova, sapakutaŋga, mazuʋa anamakumi manna noʋusiku bgunamakumi manna; ndakaŋga ndisiŋgadyi ɀokudya, kana kunwa mvura, nokuɗa kweɀiʋi ɀenyu ɀose ɀamakaŋga matadza, muciita ɀakaipa pamberi paJehova, mucimutsamŋisa. 19Nokuti ndakatya hasha nokutsamŋa kukuru, kwamakatsamŋirwa nako naJehova, nokuti wakaŋga aciɗa kukuparadzai. Asi Jehova wakandinzwa ʋo neŋguʋa iyo. 20Jehova wakaŋga aneshuŋgu ʋo kwaɀo naAroni, akaɗa kumuparadza, ndikanyeŋgeterera Aroni ʋo neŋguʋa iyo. 21Ndikatora ɀiʋi ɀenyu, iyo mhuru iya yamakaŋga maʋumba, ndikaipisa nomŋoto, ndikaipxanya, nokuikuya kwaɀo, kuȿikira yatsetseka seguruʋa; ndikakandira guruʋa rayo murukoʋa rwakaŋga rucibva mugomo. 22NapaTabera ʋo, napaMasa, napaKibroti‐hatava makatsamŋisa Jehova. 23Neŋguʋa yamakatumŋa naJehova kuti mubve paKadeshi‐barnea, aciti: Kwirai, mutore nyika, yandakakupai, iʋe yenyu, makamukira murairo waJehova Mŋari wenyu, mukasamutenda, nokusaterera inzwi rake. 24Makaramba mucimukira Jehova kubva pazuʋa randakataŋga kukuziʋai. 25Ɀino ndikawira pasi pamberi paJehova mazuʋa anamakumi manna noʋusiku bgunamakumi manna, ndiyo ŋguʋa yandakawira pasi; nokuti Jehova wakati: Ndicakuparadzai. 26Ɀino ndikanyeŋgetera kunaJehova, ndikati: Haiwa, Jehova Mŋari, musaparadza henyu ʋanhu ʋenyu nenhaka yenyu, ʋamakadzikinura noʋukuru bgenyu, ʋamakaɓuɗisa paEgipita necanza cinesimba. 27Raŋgarirai ʋaranda ʋenyu, Abrahama, naIsaka, naJakobo; musatarira kusindimara kwaʋanhu aʋa, kana kuipa kwaʋo, kana ɀiʋi ɀaʋo; 28kuti nyika kwamakatiɓuɗisa, irege kuzoti: Jehova wakaʋaɓuɗisa akaʋaʋurayira murenje, nokuti wakaŋga asiŋgagoni kuʋapinza munyika yaakaŋga aʋapikira, ʋuye nokuti wakaŋga aciʋaʋeŋga. 29Kunyaŋge ɀakaɗaro rudzi rwenyu nenhaka yenyu, rwamakaɓuɗisa nesimba renyu guru, noruʋoko rwenyu rwakatambanudzwa.
Currently Selected:
Deuteronomio 9: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018