YouVersion Logo
Search Icon

Deuteronomio 12

12
Nɀimbo tȿene.
1Ndiɀo ɀakatemŋa, neɀakatoŋgwa, ɀamunofanira kucenjera kuti muɀiite panyika yawakapiwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa ako, kuti iʋe yako, mazuʋa ose amunogara panyika. 2Munofanira kuparadza cose nɀimbo dzose, apo, ndudzi dzose dzamunopiwa kuti dziʋe dzenyu, padzaishumira ʋamŋari ʋadzo, pamakomo marefu, napaɀikomo, napasi pemiti mitema yose; 3munofanira kuputsa artari dzaʋo, nokuputsanya shoŋgwe dzaʋo, nokupisa matanda aʋo okunamata nawo; muteme ʋo mifananidzo yaʋo yakaʋezwa; kuti muparadze zita raɀo panɀimbo iyo. 4Regai kuitira Jehova Mŋari wenyu saiɀoɀo. 5Asi munofanira kushanyira panɀimbo yakatsaurwa naJehova Mŋari wenyu pakati pamarudzi enyu ose, kuti aise zita rake’po, paanogara, ndipo pamunofanira kushanyira’po, nokuenda’po; 6munofanira kuʋuya’po neɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀenyu, neɀegumi ɀenyu, neɀipiriso ɀakatsaurwa namaʋoko enyu, neɀipikiso ɀenyu, neɀipo ɀokuɗa kwenyu, naʋana ʋemhoŋgora dzeŋombe dzenyu nedzamakwai enyu; 7ndipo pamunofanira kudya pamberi paJehova Mŋari wenyu, mucifarira ɀose ɀamunoɓata namaʋoko enyu, imi, nemhuri dzenyu, seɀamakaropafadzwa naJehova Mŋari wenyu. 8Hamufaniri kuita seɀatinoita pano nhasi, mumŋe nomumŋe seɀaanoʋona kuti ndiɀo ɀakanaka; 9nokuti mucigere kuȿika pazororo napanhaka, yaunopiwa naJehova Mŋari wako. 10Asi kana mayambuka Joridani, mogara munyika yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu, iʋe nhaka yenyu, kana iye acikupai zororo paʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose ʋanokukombai, mogara makaceŋgetwa, 11ɀino kunɀimbo yakatsaurwa naJehova, kuti aise zita rake’po, ndiko kwamunofanira kuʋuya neɀose ɀandinokurairai, ɀinoti: ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀenyu, neɀegumi ɀenyu, neɀipiriso ɀakatsaurwa namaʋoko enyu, neɀipikiso ɀenyu ɀakaiȿo‐naka ɀamunopikira Jehova; 12mufare pamberi paJehova Mŋari wenyu, imi naʋanakomana ʋenyu, naʋanasikana ʋenyu, naʋaranda ʋenyu, naʋarandakadzi ʋenyu, nomuRevi uri mukati mamasuʋo enyu, nokuti iye haanamugoʋe kana nhaka pakati penyu. 13Cenjera kuti urege kuʋuya neɀipiriso ɀako ɀinopiswa panɀimbo ipi neipi yaunoʋona, 14asi panɀimbo icatsaurwa naJehova panorumŋe rwamarudzi ako, ndipo paunofanira kuʋuya neɀipo ɀako ɀinopiswa, ndipo paunofanira kuita ɀose ɀandinokuraira. 15Asi uŋgaɓaya hako nokudya hako nyama mukati mamasuʋo ako ose, seɀinoɗa mŋoyo wako, ʋuye seɀawakaropafadzwa naJehova Mŋari wako; usina‐kunaka nowakanaka ʋose ʋaŋgaidya, seɀinoitwa nenyama yemhara nenondo. 16Asi hamufaniri kudya ropa; unofanira kuriteʋurira pasi semvura. 17Usadya mukati mamasuʋo ako ɀegumi ɀeɀiyo ɀako, kana ɀewaini yako, kana ɀamafuta ako, kana ʋana ʋemhoŋgora dzeŋombe dzako, kana dzamakwai ako, kana cipikiso cipi necipi caunopika naco, kana ɀipo ɀokuɗa kwako, kana cipiriso cinotsaurwa noruʋoko rwako; 18asi unofanira kuɀidya pamberi paJehova Mŋari wako panɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako, iwe, naʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako, naʋaranda ʋako naʋarandakadzi ʋako, nomuRevi uri mukati mamasuʋo ako; unofanira kufara pamberi paJehova Mŋari wako paɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako. 19Cenjera kuti urege kukaŋganwa muRevi ŋguʋa yose yaunogara munyika yako.
20Ɀino kana Jehova Mŋari wako akurisa nyika yako, seɀaakakupikira, iwe ukati: Ndicadya nyama, nokuti mŋoyo wako unoɗa kudya nyama, uŋgadya hako nyama, seɀinoɗa mŋoyo wako. 21Kana nɀimbo yakatsaurwa naJehova, kuti aise zita rake’po, iri kure newe, unofanira kuɓaya ɀimŋe ɀeŋombe dzako, kana ɀamakwai ako, ɀawakapiwa naJehova, seɀandakakuraira, ugoɀidya mukati mamasuʋo ako, seɀinoɗa mŋoyo wako. 22Unofanira kuɀidya seɀinodyiwa nyama yemhara neyenondo; usina‐kunaka nowakanaka ʋose ʋanofanira kuɀidya pamŋe cete. 23Asi cenjera kwaɀo kuti urege kudya ropa, nokuti ropa ndibgo ʋupenyu; usadya ʋupenyu pamŋe cete nenyama. 24Usaridya, asi unofanira kuriteʋurira pasi semvura. 25Usaridya, kuti ɀiʋe ɀakanaka newe, iwe, naʋana ʋako ʋanokuteʋera, kana uciita ɀakarurama pamberi paJehova. 26Asi ɀinhu ɀako ɀitȿene, neɀipikiso ɀako, unofanira kuɀitora nokuenda naɀo kunɀimbo yakatsaurwa naJehova. 27Ɀino unofanira kugadzira ɀipiriso ɀako ɀinopiswa, nyama neropa, paartari yaJehova Mŋari wako; ropa reɀiɓayiro ɀako rinofanira kuteʋurirwa paartari yaJehova Mŋari wako, asi iwe unofanira kudya nyama. 28Terera unzwe ɀakanaka mashoko awa andinokuraira, kuti ɀive ɀakanaka newe, iwe, naʋana ʋako ʋanokuteʋera nokusiŋgaperi, kana uciita ɀakanaka neɀakarurama pamberi paJehova Mŋari wako.
29Ɀino kana Jehova Mŋari wako aciparadza pamberi pako ndudzi idzo, dzaunoenda kwadziri kundodziita dzako, ukadziita dzako, ukagara munyika yadzo; 30ucenjere kuti urege kunyeŋgerwa kuzodziteʋera, idzo dzamboparadzwa pamberi pako; kuti urege kubvunza ʋamŋari ʋaʋo, uciti: Ndudzi idzi dzinoshumira ʋamŋari ʋadzo seiko? Neni ndicaita ʋo saiɀoɀo. 31Usaitira Jehova Mŋari wako saiɀoɀo; nokuti iʋo ʋakaitira ʋamŋari ʋaʋo ɀose ɀinonyaŋgadza Jehova, neɀaanoʋeŋga; nokuti kunyaŋge ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo ʋanoʋapisira ʋamŋari ʋaʋo pamŋoto.
32Cinhu cipi necipi candinokurairai, cenjerai kuti muɀiite; musawedzera kwaɀiri, kana kutapudza kwaɀiri.

Currently Selected:

Deuteronomio 12: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in