YouVersion Logo
Search Icon

Deuteronomio 1

1
Mosesi unoyeʋudza ʋaIsraeri ɀakaitwa murenje.
1Ndiwo mashoko akataurwa naMosesi kuʋaIsraeri ʋose mhiri kwaJoridani murenje, muMupata wakatarisana neSufi, pakati peParani, neTofera, neRabani, neHazeroti, neDizahabi. 2Kubva paHorebi, nenzira yokugomo reSeiri, kuȿika paKadeshi‐barnea, munhu unofamba mazuʋa anegumi nerimŋe. 3Ɀino pagore ramakumi manna, pamŋedzi wegumi nomumŋe, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi, Mosesi wakaʋudza ʋana ʋaIsraeri ɀose ɀaʋakarairwa naJehova naye; 4wakati akunda Sihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga agere Heshboni, naOgi, mambo weBashani, wakaŋga agere Ashtaroti, paEdrei, 5Mosesi akataŋga kuɗudzira murairo uyu ʋari mhiri kwaJoridani, panyika yokwaMoabi, akati: 6Jehova Mŋari weɗu wakataura nesu paHorebi, akati: Makagara ŋguʋa yakariŋgana pagomo iri. 7Dzokai, mufambe, muende kumakomo aʋaAmori nokunɀimbo dzose dziri pedyo nawo, kuMupata, nokumakomo, nokumapani, nokurutiʋi rwezasi, nokumhenderekedzo dzeguŋgwa, okunyika yaʋaKanani, nokuRebanoni, kuȿikira kurwizi rukuru, rwizi Ufratesi. 8Tarirai, ndakaisa nyika pamberi penyu; pindai, mutore nyika yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova, kunaAbrahama, naIsaka, naJakobo, kuti ʋacaipiwa iʋo naʋana ʋaʋo ʋanoʋateʋera. 9Ŋguʋa iyo ndakataura nemi, ndikati: Handigoni kukutakurai ndiri ndoga; 10Jehova Mŋari wenyu wakakuwanzai; tarirai, nhasi maʋa senyeredzi dzokuɗeŋga pakuwanda kwenyu. 11Jehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu ŋgaakuwedzerei runecuru camazana pamakaȿika ɀino, amuropafadze seɀaakakupikirai. 12Ini ndoga ndiŋgatakura seiko kurema kwenyu, nomutoro wenyu, nokurwa kwenyu? 13Muɀitsaurirei ʋarume ʋakacenjera, ʋakaŋgwara, ʋanozikaŋwa, kumarudzi enyu, ndiʋaite ʋakuru ʋenyu. 14Mukandipindura, mukati: Cinhu ico camataura cakanaka kuti ticiite. 15Ipapo ndakatora ʋakuru ʋamarudzi enyu, ʋarume ʋakaŋga ʋakacenjera, ʋakaŋga ʋakazikanwa, ndikaʋaita ʋakuru ʋenyu, ʋaʋe ʋakuru ʋeɀuru, naʋakuru ʋamazana, naʋakuru ʋamakumi mashanu, naʋakuru ʋegumi, naʋatariri kumarudzi enyu. 16Neŋguʋa iyo ndikaraira ʋatoŋgi ʋenyu, ndikati: Tererai mhoȿa dziri pakati pehama dzenyu, mururamisire pakati pomunhu nehama yake, nomutorwa ugere naye. 17Musatsaura ʋanhu pakutoŋga kwenyu; munofanira kuterera muɗuku nomukuru nomutoʋo mumŋe; musatya munhu; nokuti kutoŋga ndokwaMŋari; asi kana kunemhaka yamusiŋgagoni, muʋuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe. 18Neŋguʋa iyo ndakakurairai ɀose ɀamunofanira kuita.
19Ɀino takasimuka paHorebi, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaʋona panzira yokumakomo aʋaAmori, seɀatakarairwa naJehova Mŋari weɗu; tikaȿika paKadeshi‐barnea. 20Ndikati kwamuri: Maȿika panyika yamakomo yaʋaAmori, yatinopiwa naJehova Mŋari weɗu. 21Tarirai, Jehova, Mŋari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai, muitore, seɀamakaʋudzwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu; musatya kana kuvunduka. 22Ipapo imi makasweɗera mose kwandiri, mukati: Ŋgatitume ʋarume ʋatituŋgamirire, ʋatishorere nyika, ʋagoʋuya kuzotiʋudza nzira yatinofanira kukwira nayo, namaguta aticandoȿika kwaari. 23Shoko iro rikandifadza; ndikatsaura ʋarume ʋanegumi naʋaʋiri pakati penyu, murume mumŋe kurudzi rumŋe norumŋe. 24Iʋo ʋakaenda, ʋakakwira mugomo, ʋakaȿika mumupata weEshkori, ʋakaishora. 25Ʋakatora mimŋe micero yenyika mumaʋoko aʋo, ʋakaɓurukira kwatiri nayo, ʋakadzoka neshoko kwatiri, ʋakati: Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehova Mŋari weɗu. 26Asi makaramba kukwira, mukamukira kuraira kwaJehova Mŋari wenyu; 27mukanyunyuta mumatente enyu, mukati: Jehova wakatiʋeŋga, saka wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, kuti atiise mumaʋoko aʋaAmori, kuti atiparadze. 28Ɀino ticaendepiko? Hama dzeɗu dzanyawusa mŋoyo yeɗu, dziciti: Ʋanhu aʋo ʋanotikunda nokukura nokureɓa; maguta makuru, akakombga namaȿiŋgo anoȿika kuɗeŋga; ʋuye, takaʋonako ʋana ʋaEnaki. 29Ipapo ini ndikati kwamuri: Musavunduka henyu, kana kuʋatya. 30Jehova Mŋari wenyu unokutuŋgamirirai, iye ucakurwirai, seɀaakakuitirai ɀose paEgipita pamberi penyu, 31nomurenje pamakaʋona muɓerekerwe wamakaɓerekwa nawo naJehova Mŋari wenyu, somunhu unoɓereka mŋana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimana muciȿika panɀimbo iyi. 32Asi pacinhu ici hamuna‐kutenda Jehova Mŋari wenyu; 33iye wakakutuŋgamirirai panzira, kuti akutȿakirei pamuŋgadzika matente enyu, nomŋoto ʋusiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, ʋuye negore masikati. 34Ɀino Jehova akanzwa inzwi ramashoko enyu, akatsamŋa, akapika, aciti: 35Ɀirokwaɀo, hakuŋgaʋi nomumŋe waʋanhu aʋa, ʋorudzi urwu rwakaipa, ucaʋona nyika yakanaka, yandakapika ndiciti ndicaipa madziɓaɓa enyu, 36asi Karebi, mŋanakomana waJefune, ndiye ucaiʋona; ndicamupa iye naʋana ʋake nyika yaakatsika, nokuti iye wakateʋera Jehova nomŋoyo wose. 37Jehova akanditsamŋira neni ʋo nokuɗa kwenyu, akati: Newe ʋo hauŋgapindi ikoko; 38Joshua, mŋanakomana waNuni, umire pamberi pako, ndiye ucapinda ikoko; umusimbise, nokuti ndiye ucagarisa ʋaIsraeri nhaka yaʋo. 39Ʋana ʋenyu ʋaɗuku, ʋamakati ʋacatapxa, naʋana ʋenyu ʋasiŋgaziʋi nhasi ɀakanaka neɀakaipa, ndiʋo ʋacapinda ikoko; ndicaʋapa iyo, iʋe yaʋo. 40Asi kana muri’mi, dzokai mufambe murenje nenzira yokuGuŋgwa Dɀuku. 41Ɀino imi mukapindura, mukati kwandiri: Takatadzira Jehova, ticakwira heɗu tindorwa, ɀose seɀatakarairwa naJehova Mŋari weɗu. Mukashoŋga mumŋe nomumŋe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukaɗa kukwira mugomo. 42Ɀino Jehova akati kwandiri: Uti kwaʋari: Musakwira kana kurwa, nokuti ini handizi pakati penyu; kuti murege kukundwa pamberi paʋaʋeŋgi ʋenyu. 43Naiɀoɀo ndakataura nemi, asi makaramba kunditerera; asi makamukira murairo waJehova, mukaita manyawi, mukakwira mugomo. 44Ɀino ʋaAmori ʋakaŋga ʋagere mugomo iro, ʋakaɓuɗa kuzorwa nemi, ʋakakudziŋgai, seɀinoita nyuci, ʋakakuparadzai kuȿikira paHorma. 45Ipapo makadzoka, mukacema pamberi paJehova, asi Jehova haana‐kuterera inzwi renyu, kana kurerekera nzeʋe dzake. 46Naiɀoɀo makagara paKadeshi mazuʋa mazhinji, ŋguʋa yamakagara’po.

Currently Selected:

Deuteronomio 1: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in