ƲaKorose 2
2
1Nokuti ndinoɗa kuti muziʋe kurwa kukuru kwandinako pamsoro penyu, naʋari paRaodikia, naʋose ʋasina‐kumboʋona ciso caŋgu panyama; 2kuti mŋoyo yaʋo isimbiswe, ʋasuŋganidzwe muruɗo, ʋaʋe nefuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti ʋaziʋe kwaɀo cakaʋanzika caMŋari, iye Kristu; 3maari fuma yose yoʋucenjeri nokuziʋa yakaceŋgetwa. 4Ndinoreʋa iɀi, kuti kurege kuʋa nomunhu unokurashai namashoko anonyeŋgera. 5Nokuti kunyaŋge ndisi’po panyama, ndiri’po nemi pamŋeya, ndinofara ndiciʋona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu munaKristu.
Unoʋanyeʋera kuti ʋarege kutsauswa.
6Naiɀoɀo seɀamakagamucira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari, 7munemidzi yenyu nokuʋakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, seɀamakadzidziswa, mucinyanya kuʋoŋga.
8Cenjerai, kuti murege kutapxa nomunhu noʋucenjeri, nokunyeŋgera kusinamaturo, aciteʋera tsika dzaʋanhu neɀokuʋamba ɀenyika, asiŋgateʋeri Kristu. 9Nokuti kuzara kwoʋuMŋari kunogara maari pamuʋiri. 10Maari nemi ʋo makazadzwa, iye musoro waʋaɓati ʋose namasimba; 11iye wamakadziŋgiswa ʋo maari nokudziŋgiswa kusiŋgaitwi namaʋoko, muʋiri wenyama ucibviswa, nokudziŋgiswa kuri kwaKristu; 12makaʋigwa pamŋe cete naye pakubapatidzwa, pamakamutswa ʋo pamŋe cete naye nokutenda kwenyu simba raMŋari wakamumutsa kuʋakafa. 13Nemi, imi makaŋga makafa pakuɗarika kwenyu napakusadziŋgiswa kwenyama yenyu, wakakupai ʋupenyu pamŋe cete naye, akatikaŋganwira kuɗarika kweɗu kwose, 14akadzima rugwaro rwakaŋga rucirwa nesu paɀireʋo ɀarwo, rucipesana nesu; akarubvisa irwo pakati peɗu, akaruroʋera pamucinjikwa; 15akaparadza ʋaɓati namasimba, akaʋaɓuɗisa pacena, akaʋakunda mauri.
16Naiɀoɀo munhu ŋgaarege kuʋa’po unokutoŋgai paɀokudya, kana ɀokunwa, kana nokuɗa kwomusi womutambo, kana pakugara kwomŋedzi, kana pasaɓata; 17iɀi mumvuri weɀicaʋuya; asi muʋiri ndowaKristu. 18Munhu ŋgaarege kuʋa’po unokutorerai muɓairo wenyu namaʋune, nokuɀininipisa nokunamata ʋatumŋa, aciʋimba neɀaakaʋona, aciɀikudza pasina nokufuŋga kwenyama, 19asiŋgaɓatisisi Musoro, uyo, maari muʋiri wose unosimbiswa nokusuŋganidzwa neɀisuŋgo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMŋari.
20 Ɀino kana makafa pamŋe cete naKristu kuneɀokuʋamba ɀenyika, munoɀiisireiko pasi pemirairo, somugere munyika, 21mirairo inoti: usaɓata, usaraʋira, usagunɀa, 22(iɀi ɀose ɀinofanira kuparadzwa kana ɀoɓatwa naɀo); muciteʋera mirairo nedzidziso dzaʋanhu? 23Ɀinhu ɀakaɗai ɀakaita seɀinoʋucenjeri, pakunamata Mŋari nokuɗa kwaʋo, nokuɀininipisa, nokutambudza muʋiri; asi haɀinesimba rokukunda kuciʋa kwenyama.
Currently Selected:
ƲaKorose 2: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018