Maɓasa Aʋaapostora 3
3
Munhu unokamhina unoporeswa naPetro naJohane.
1Ɀino Petro naJohane ʋakakwira kutembere neŋguʋa yokunyeŋgetera yepfumbamŋe. 2Ɀino mumŋe murume, waikamhina kubva paɗumbu ramai ʋake, wakaŋga acitakurwa; ʋaimuisa zuʋa rimŋe nerimŋe pamukoʋa wetembere, wainzi Wakanaka, kuti akumbire ɀipo kunaʋaipinda mutembere. 3Iye wakati aciʋona Petro naJohane ʋoɗa kupinda mutembere, akakumbira kuti apiwe cipo. 4Ɀino Petro akamutarisisa, naJohane ʋo, akati: Titarire. 5Akaʋatarira, aciti ndicapiwa cinhu naʋo. 6Asi Petro akati: Sirveri nendarama handina; asi candinaco ndinokupa: Nezita raJesu weNazareta, cifamba. 7Akamuɓata ruʋoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake neɀiziso ɀetsoka dzake ɀakasimba. 8Akavazuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda naʋo mutembere, akafamba acipembera, acirumbidza Mŋari. 9Ʋanhu ʋose ʋakamuʋona acifamba, acirumbidza Mŋari. 10Ʋakamuziʋa, kuti ndiye waigarira ɀipo pamukoʋa Wakanaka wetembere; ʋakakatyamara ɀikuru nokushamiswa neɀaakaitirwa.
Kuparidza kwaPetro.
11Ɀino wakati acakaɓata Petro naJohane, ʋanhu ʋose ʋakamhanyira kwaʋari paɓiraʋira, rainzi raSoromoni, ʋakashamiswa kwaɀo. 12Ɀino Petro wakati aciʋona iɀoɀo, akapindura ʋanhu, akati: Ʋarume ʋaIsraeri, mashamiswa neiko pamsoro poyuyu? Munotitarisisa neiko, setineŋge tamufambisa nesimba reɗu, kana nokunamata kweɗu Mŋari? 13Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaJakobo, Mŋari wamadziɓaɓa eɗu, ndiye wakakudza Muranda wake Jesu, wamakaisa kuʋatoŋgi mukamuramba pamberi paPirato, iye atoŋga kuti asunuŋgurwe. 14Asi imi makaramba uyo Mutȿene, wakarurama, mukakumbira kuti mupiwe muʋurayi; 15mukaʋuraya Muʋambi woʋupenyu; iye, wakamutswa naMŋari kuʋakafa; iye, watiri ɀapupu ɀake isu. 16Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunoʋona, nowamunoziʋa; ʋuye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa ɀakanaka kuɗai pamberi penyu mose. 17Asi ɀino, hama dzaŋgu, ndinoziʋa kuti makaɀiita nokusaziʋa, saʋaɓati ʋenyu ʋo; 18asi saiɀoɀo Mŋari wakapedzisa ɀaakamboreʋa nomuromo waʋaprofita ʋose, kuti Kristu wake ucazotambudzika. 19Naiɀoɀo tendeʋukai, mudzoke, kuti ɀiʋi ɀenyu ɀidzimŋe, kuti ŋguʋa dzokusimbiswa dzinobva kunaShe, dziȿike; 20atume Kristu, iye Jesu, wakagadzwa kare nokuɗa kwenyu; 21iye unofanira kugamucirwa kuɗeŋga kuȿikira ŋguʋa yokugadzirwa kweɀinhu ɀose, yakarebga naMŋari nomuromo waʋaprofita ʋake ʋatȿene kubva pakutaŋga. 22Nokuti Mosesi wakati: Ishe, Mŋari wenyu, ucakumutsirai Muprofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni; mucamuterera paɀose, ɀaanotaura kwamuri. 23Ɀino mumŋe nomumŋe kana asiŋgatereri Muprofita uyo, ucaparadzwa kwaɀo pakati paʋanhu. 24Naʋaprofita ʋose kubva kunaSamueri, naʋakamuteʋera, naiʋo ʋose ʋakataura nokuparidza ɀamazuʋa ano. 25Imi muri ʋanakomana ʋaʋaprofita, naʋesuŋgano, yakaitwa naMŋari namadziɓaɓa enyu, aciti kunaAbrahama: Marudzi ose enyika acaropafadzwa muʋana ʋako. 26Mŋari wakataŋga kukumutsirai imi Muranda wake, akamutuma kukuropafadzai, acidzora mumŋe nomumŋe wenyu paɀakaipa ɀenyu.
Currently Selected:
Maɓasa Aʋaapostora 3: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018