2 ƲaKorinte 12
12
Munzwa mumuʋiri waPauro.
1Ndinofanira haŋgu kuɀirumbidza, kunyaŋge ɀisina‐kunaka, asi ndicaȿika paɀiratidzo neɀakazarurwa ɀaShe. 2Ndinoziʋa munhu uri munaKristu, aʋa makore anegumi namanna apfuʋura, (kana ɀakaitwa mumuʋiri, kana kunze kwomuʋiri, handiziʋi; Mŋari unoziʋa), munhu wakaɗai wakakwidzwa kuɗeŋga recitatu. 3Ʋuye ndinoziʋa munhu wakaɗai (kana ɀakaitwa mumuʋiri kana kunze kwomuʋiri, handiziʋi; Mŋari unoziʋa), 4kuti wakakwidzwa muparadiso, akanzwa mashoko asiŋgagoni kutaurwa, asina‐kutenderwa munhu kuti aareʋe. 5Pamsoro pomunhu wakaɗai ndicaɀirumbidza; asi pamsoro paŋgu handiɀirumbidzi; asi pamsoro poʋutera bgaŋgu ɓedzi. 6Nokuti kana ndiciɗa kuɀirumbidza, handiŋgaʋi ɓenzi; nokuti ndicareʋa ɀamaɀokwaɗi; asi ndinorega haŋgu, kuti kurege kuʋa nomunhu, uŋgati ndiri mukuru kuneɀaakaʋona kana ɀaakanzwa kwandiri; 7ɀino, kuti ini ndirege kunyanya kuɀikudza nokuɗa kwoʋukuru kwaɀo bgeɀakandizarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yaŋgu, nhume yaSatani, andiroʋe, kuti ndirege kunyanya kuɀikudza. 8Pamsoro pecinhu ici ndakakumbira Ishe ɀikuru katatu, kuti cibve kwandiri. 9Iye akati kwandiri: Nyasha dzaŋgu dzinokuriŋgana; nokuti simba raŋgu rinozadziswa paʋutera bgako. Naiɀoɀo ɀirinani kuti ndiɀirumbidze nomufaro mukuru noʋutera bgaŋgu, kuti simba raKristu rigare pamsoro paŋgu. 10Naiɀoɀo ndinofara noʋutera, nokuɀidzwa, nokushaiwa, nokutambudzika, nenhamo nokuɗa kwaKristu; nokuti kana ndinoʋutera, ipapo ndinesimba.
Kusaɀiraŋgarira kwaPauro.
11Ndaʋa ɓenzi; imi mandiroʋerera. Nokuti ini ndaifanira kurumbidzwa nemi; nokuti handizi muɗuku napaɗuku kuʋaapostora ʋanopfuʋura ʋose, kunyaŋge ndisi cinhu. 12Ɀirokwaɀo, ɀiratidzo ɀomuapostora ɀakaitwa pakati penyu nokutsuŋgirira kukuru, neɀiratidzo, neɀishamiso, namaɓasa esimba. 13Nokuti makapfuʋurwa neiko nedzimŋe kereke, asi pakuti ini handina‐kukuremedzai? Ndikaŋganwirei henyu kusarurama uku.
14Tarirai, ino ndiyo ŋguʋa yecitatu yandakaɀigadzira kuʋuya kwamuri; handiŋgakuremedziyi; nokuti handitȿaki ɀenyu, asi ndinokutȿakai imi; nokuti ʋana haʋafaniri kuceŋgetera ʋaɓereki, asi ʋaɓereki ʋanofanira kuceŋgetera ʋana. 15Nokuti ndiŋgafara ɀikuru kupedza ɀose ɀaŋgu, nokupedzwa ini nokuɗa kwemŋeya yenyu. Kana ini ndicikuɗai ɀikuru, ini ndoɗikanwa ɀishoma here? 16Ɀino, ŋgaɀiʋe saiɀoɀo haɀo, ini handina‐kukuremedzai; asi ɀandakaŋga ndinenjere, ndakakuɓatai namano. 17Ndakakutorerai cinhu here nomumŋe waiʋo ʋandakatuma kwamuri? 18Ndakaraira Tito, ndikatuma hama iya naye; ko Tito wakakutorerai cinhu here? Hatina‐kufamba nomŋeya mumŋe here? Ʋuye namakwara mamŋe here?
Pauro unoʋanyeʋera.
19Ŋguʋa yose makaŋga muciti tinoɀiɗaʋirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMŋari munaKristu; asi tinotaura iɀi ɀose, ʋaɗikanwa, kuti musimbiswe. 20Nokuti ndinotya kuti ɀimŋe kana ndiciȿika, ndiŋgakuwanai musina‐kuita seɀandinoɗa, neni ndiŋgawanikwa nemi ndakaita seɀamusiŋgaɗi; ɀimŋe kuŋgaʋa’po gakaʋa, negoɗo, nokutsamŋa, nokupesana, nokucera, namakuhwa, namanyawi, nenyoŋganiso; 21kuti kana ndiciȿika ɀe, Mŋari waŋgu arege kundininipisa pamberi penyu, ndiceme pamsoro paʋazhinji ʋaʋo ʋatotadza, ʋakasatendeʋuka patȿina yaʋo, noʋupombge, noʋutere bgaʋakaita.
Currently Selected:
2 ƲaKorinte 12: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018