YouVersion Logo
Search Icon

I Timotio 6

6
Ʋaranda naʋatenzi.
1Ʋose ʋari ʋaranda pasi pejoko, ŋgaʋati ʋatenzi ʋaʋo ʋanofanirwa nokukudzwa kwose, kuti zita raMŋari nedzidziso ɀirege kumhurwa. 2Aʋo ʋanaʋatenzi ʋanotenda, ŋgaʋarege kuʋaɀidza ɀadziri hama, asi ɀikuru ŋgaʋaʋaɓatire, ɀaʋari ʋatendi naʋanoɗikanwa ʋanoɓatsirwa nokuɓata kwaʋo kwakanaka. Dzidzisa ɀinhu iɀi, uɀiraire.
Kuraira kwokupedzisira.
3Kana kunomunhu unodzidzisa imŋe dzidziso, asiŋgabvumiri mashoko akarurama, mashoko aShe weɗu, Jesu Kristu, nedzidziso inonzwana nokunamata Mŋari, 4unoŋgoɀikudza, asiŋgaziʋi cinhu, asi unoŋgokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa goɗo, negakaʋa, nokutuka, nokufuŋgidzira kwakaipa, 5nokukakaʋadzana kusiŋgaperi kwaʋanhu ʋanomuraŋgariro wakaʋodzwa, ʋakatorerwa ɀokwaɗi, ʋaciti kunamata Mŋari ndiɀo ɀinofumisa. 6Ɀino kunamata Mŋari pamŋe cete nokutenda neɀatinaɀo ndiɀo ɀinofumisa kwaɀo; 7nokuti hatina‐kuʋuya necinhu panyika, hatigoni ʋo kuɓuɗa tinecinhu; 8asi kana tineɀokudya neɀokufuka, ticatenda naɀo. 9Asi ʋanotȿaka kufuma, ʋanowira mukuidzwa nomumusuŋgo, nomukuciʋa kwoʋupenzi kuzhinji kunokuʋadza, ɀinonyudza ʋanhu mukuparadzwa nokurashwa. 10Nokuti kuɗa mari ndiwo mudzi weɀakaipa ɀose; ʋamŋe ʋakati ʋaciiɗa ɀikuru ʋakatsauswa pakutenda, ʋakaɀiɓaya neshuŋgu zhinji.
11Asi iwe, munhu waMŋari, tiza ɀinhu iɀi; uteʋere kururama nokunamata Mŋari, nokutenda, noruɗo, nokutsuŋgirira, noʋunyoro. 12Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, uɓatisise ʋupenyu bgusiŋgaperi, bgawakaɗanirwa kwabguri, ukapupura kupupura kwakanaka pamberi peɀapupu ɀizhinji. 13Ndinokuraira pamberi paMŋari, unopa ɀinhu ɀose ʋupenyu bgaɀo, napamberi paKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato; 14kuti uceŋgete murairo, usinoruʋara, usina‐cauŋgapomerwa, kuȿikira pakuʋonekwa kwaShe weɗu, Jesu Kristu; 15kwaacazoratidza paŋguʋa dzake, iye oga wakaropafadzwa noWamasimba‐ose, Mambo wamadzimambo, Ishe wamadzishe; 16iye oga usiŋgafi, ugere paciedza cisiŋgasweɗerwi, usina‐kumboʋonekwa nomunhu, ʋuye usiŋgagoni kuʋonekwa; kukudzwa nesimba risiŋgaperi ŋgaɀiʋe kwaari. Ameni.
17Raira ʋafumi panyika yaɀino, kuti ʋarege kuɀikudza, kana kuʋimba nefuma isiŋgagari, asi naMŋari, unotipa ɀose aciwanza, kuti tifare naɀo; 18kuti ʋaite ɀakanaka, ʋaʋe ʋafumi pamaɓasa akanaka, ʋafarire kupa ʋamŋe, nokugoʋana; 19ʋaɀiroŋgedzere nheyo dzakanaka dzeŋguʋa inoʋuya, kuti ʋaɓatisise ʋupenyu caibgo.
20Iwe, Timotio, ceŋgeta ico cawakapiwa, ufuratire kutaura kusinehanya naMŋari nokuramba kunobva paziʋo inonzi ziʋo, dziri nhema hadzo; 21iyo yakapupurwa naʋamŋe, ʋakazorashika pakutenda. Nyasha ngadziʋe nemi.

Currently Selected:

I Timotio 6: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in