I ƲaTesaronika 3
3
1Saka ɀatakaŋga tisiŋgagoni kutsuŋga, takati ɀakanaka kuti tisiyiwe tiri toga paAtene; 2tikatuma Timotio, hama yeɗu, mushumiri waMŋari paEvaŋgeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsuŋgisai mŋoyo pakutenda kwenyu; 3kuti kurege kuʋa nomunhu unozunuŋguswa nenhamo idzi, nokuti munoziʋa mumene kuti takagadzirirwa iɀoɀo. 4Nokuti ticiri kwamuri takambokuʋudzai kuti ticatambudzwa; seɀaɀakaitika, nemi munoziʋa. 5Saka ini ʋo, ɀandakaŋga ndisicagoni kutsuŋga, ndakamutuma kuti ndiziʋe kutenda kwenyu, ndiciti ɀimŋe muidzi wakakuidzai, iɀo ɀatakaɓata ɀikaʋa pasina. 6Asi ɀino Timotio wakati aȿika kwatiri acaŋgobva kwamuri, akatiʋudza mashoko akanaka okutenda kwenyu noruɗo rwenyu, ʋuye kuti munoŋgositifuŋga nomuraŋgariro wakanaka, muciɗa ɀikuru kutiʋona isu, sesu ʋo ticiɗa kukuʋonai imi; 7saka, hama dzangu, takanyaradzwa pamsoro penyu pakutambudzika kweɗu kwose nenhamo nokutenda kwenyu; 8nokuti ɀino isu tinorarama, kana imi mumire makasimba munaShe. 9Nokuti tiŋgaʋoŋga Mŋari neiko pamsoro penyu, nomufaro wose watinofara nawo pamberi paMŋari weɗu nokuɗa kwenyu, 10ticiŋgokumbira ɀikuru ʋusiku namasikati kuti tiʋone ciso cenyu, kuti tizadzise ɀakatairira pakutenda kwenyu?
11Ɀino iye Mŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe weɗu Jesu, ŋgaaruramisire nzira yeɗu kwamuri; 12ishe akukurisei, akuwanzisirei ruɗo pakati penyu nokunaʋose, seɀatinoita isu kwamuri, 13asimbise mŋoyo yenyu kuti iʋe isina‐caiŋgapomerwa paʋutȿene pamberi paMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, pakuʋuya kwaShe weɗu Jesu pamŋe cete naʋatȿene ʋake ʋose.
Currently Selected:
I ƲaTesaronika 3: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018