I ƲaTesaronika 1
1
Kwaziso.
1Pauro, naSirvano, naTimotio, kukereke yaʋaTesaronika, iri munaMŋari, Ƃaɓa, naShe Jesu Kristu: Nyasha ŋgadziʋe nemi norugare.
Kuʋoŋga kwaPauro.
2Tinoʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose nokuɗa kwenyu mose, ticikuraŋgarirai pakunyeŋgetera kweɗu; 3ticiramba ticiraŋgarira ɓasa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira ʋamŋe kunobva paruɗo, nokutsuŋgirira kunobva patariro munaShe weɗu, Jesu Kristu, pamberi paMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu; 4tinoziʋa, hama dzinoɗikanwa naMŋari, kusanaŋgurwa kwenyu. 5Nokuti Evaŋgeri yeɗu haina‐kuʋuya kwamuri neshoko ɓedzi, asi nesimba ʋo, nomumŋeya Mutȿene, nokuziʋa kwaɀo; seɀamunoziʋa kuti takaŋga takaɗini pakati penyu nokuɗa kwenyu. 6Nemi makaʋa ʋateʋeri ʋeɗu naʋaShe, ɀamakagamucira Shoko mumaɗambudziko mazhinji, nomufaro woMŋeya Mutȿene; 7naiɀoɀo makatuŋgamirira ʋose ʋanotenda muMakedonia neAkaya. 8Nokuti shoko raShe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedonia neAkaya ɓedzi, asi kutenda kwenyu kunaMŋari kwakaȿika kwose; naiɀoɀo hatifaniri kutaura cinhu. 9Nokuti iʋo ʋamene ʋanoparidza kupinda kweɗu kwamuri, kuti kwakaŋga kwakaɗini; ʋuye, kuti makatendeʋukira kunaMŋari, mucibva paɀifananidzo, kuti muɓatire Mŋari mupenyu waɀokwaɗi, 10nokumirira Mŋanakomana wake pakubva kwake kuɗeŋga, iye waakamutsa kuʋakafa, ndiye Jesu unotisunuŋgura pakutsamŋa kunoʋuya.
Currently Selected:
I ƲaTesaronika 1: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018