YouVersion Logo
Search Icon

I Samueri 19

19
Jonatani unoreʋerera Davidi kunaSauro.
1Ɀino Sauro akataura naJonatani mŋanakomana wake, naʋaranda ʋake ʋose, kuti ʋaʋuraye Davidi. 2Asi Jonatani mŋanakomana waSauro, wakaŋga acifarira Davidi kwaɀo. Naiɀoɀo Jonatani akaʋudza Davidi, akati: Sauro, ɓaɓa ʋaŋgu, ʋanotȿaka kukuʋuraya; naiɀoɀo ɀino, cenjera kwaɀo maŋgwana, ugare pakaʋanda, uʋande; 3ini ndicaɓuɗa, ndicandomira kunaɓaɓa ʋaŋgu mumunda, mauri, nditaurirane naɓaɓa ʋaŋgu pamsoro pako; kana ndiciŋge ndikaʋona cinhu, ndicakuʋudza. 4Ipapo Jonatani akareʋerera Davidi ɀakanaka kunaSauro ɓaɓa ʋake, akati kwaʋari: Mambo ŋgaarege kutadzira Davidi muranda wake, nokuti iye haana‐kukutadzirai imi, asi wakakuitirai ɀakanaka kwaɀo; 5nokuti wakaɓata ʋupenyu bgake mumaʋoko ake, akaʋuraya muFiristia; Jehova akakundisa ʋaIsraeri nokukunda kukuru; imi makaɀiʋona, mukafara; naiɀoɀo mucatadzireiko ropa risinemhoȿa, mukaʋuraya Davidi asinemhaka hake? 6Sauro akaterera inzwi raJonatani, Sauro akapika, akati: NaJehova mupenyu, haaŋgaʋurawi! 7Ɀino Jonatani akaɗana Davidi, Jonatani akamuziʋisa ɀinhu iɀo ɀose. Jonatani akaenda naDavidi kunaSauro, akagara pamberi pake sapakutaŋga.
Sauro unoidza ɀe kuʋuraya Davidi.
8Ɀino kurwa kukaʋa’po ɀe, Davidi akaɓuɗa kundorwa naʋaFiristia, akaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru, ʋakatiza pamberi pake. 9Mŋeya wakaipa, wakaŋga watumŋa naJehova, ukaʋuya pamsoro paSauro, agere mumba make anepfumo rake muruʋoko rwake; Davidi akaridza noruʋoko rwake. 10Sauro akaidza kuɓayira Davidi pamadziro nepfumo; Davidi akatiza, akapukunyuka ʋusiku ubgo. 11Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDavidi kumurinda nokumuʋuraya maŋgwanani; Mikari mukadzi waDavidi, akamuʋudza, akati: Kana ukasaponesa ʋupenyu bgako ʋusiku bguno, ucaʋurawa maŋgwana. 12Naiɀoɀo Mikari akaɓurusa Davidi pasi napawindi; akaenda, akatiza, akapukunyuka. 13Mikari akatora terafimi, akairadzika panhoʋo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira. 14Ɀino Sauro wakati acituma nhume kuzoɓata Davidi, iye akati: Unorwara. 15Ipapo Sauro akatuma nhume kuzotarira Davidi, akati: Ʋuyai naye kwandiri ari panhoʋo, ndimuʋuraye. 16Ɀino nhume dzakati dzicipinda, dzikaʋona terafimi iri panhoʋo nomutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo. 17Sauro akati kunaMikari: Wandinyeŋgereiko kuɗai, ukarega muʋeŋgi waŋgu acienda, akapukunyuka? Mikari akapindura Sauro, aciti: Iye wakati kwandiri: Ndirege, ndiende; ndicakuʋurayireiko?
18Davidi akatiza, akapukunyuka, akaȿika kunaSamueri paRama, akamuʋudza ɀose ɀaakaŋga aitirwa naSauro. Iye naSamueri ʋakandogara Naioti. 19Ɀino Sauro wakaʋudzwa, ɀicinzi: Tarirai, Davidi uri Naioti paRama. 20Sauro akatuma nhume kundoɓata Davidi; asi idzo dzakati dziciʋona ɓoka raʋaprofita ʋaciprofita, naSamueri amire ari mutuŋgamiriri waʋo, Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaprofita ʋo. 21Ɀino Sauro wakati aciʋudzwa iɀoɀo, akatuma ɀe dzimŋe nhume, naidzo dzikaprofita ʋo. Ipapo Sauro akatuma ɀe nhume rwecitatu, naidzo dzikaprofita ʋo. 22Ɀino naiye akaenda ʋo Rama, akaȿika patsime guru riri paSeku, akabvunza, akati: ƲanaSamueri naDavidi ʋaripiko? Mumŋe akati: Tarirai, ʋari Naioti paRama. 23Iye akaenda’ko Naioti paRama, Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro pake ʋo, akafamba aciprofita kudzimana aȿika Naioti paRama. 24Akabvisa ʋo ŋguʋo dzake, akaprofita pamberi paSamueri, akaʋata pasi, asakafuka, zuʋa iro rose noʋusiku ubgo bgose. Naiɀoɀo ʋanoti: Sauro uri pakati paʋaprofita ʋo here?

Currently Selected:

I Samueri 19: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in