I Samueri 15
15
Sauro unokunda Amareki.
1Ɀino Samueri akati kunaSauro: Jehova wakandituma kuti ndikuzodze, uʋe mambo waʋanhu ʋake iʋo ʋaIsraeri; naiɀoɀo ɀino cinzwa mashoko aJehova. 2Ɀanzi naJehova wehondo: Ndakacerekedza ɀakaitirwa Israeri naʋaAmareki, kuti wakaʋadziʋirira panzira ŋguʋa yokubva kwaʋo Egipita. 3Ɀino cienda undokunda ʋaAmareki, uparadze cose ɀose ɀaʋanaɀo, usaʋarega; asi uʋuraye ʋarume naʋakadzi ʋose, naʋacece naʋanomŋa, neŋombe namakwai, namakamera nemboŋgoro.
4Sauro akaɗana ʋanhu, akaʋaʋereŋga paTeraimi, ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana maʋiri ɀaʋaifamba namakumbo, naʋarume ʋaʋaJuda ʋaneɀuru ɀinegumi. 5Sauro akaȿika paguta raʋaAmareki, akaʋaʋandira pamupata. 6Sauro akati kuʋaKeni: Endai mubve, muɓuruke mubve pakati paʋaAmareki, ndirege kukuparadzai pamŋe cete naʋo; nokuti imi makaʋa nomŋoyo munyoro naʋana ʋose ʋaIsraeri, paŋguʋa yokuɓuɗa kwaʋo Egipita. Naiɀoɀo ʋaKeni ʋakabva pakati paʋaAmareki. 7Ipapo Sauro akaparadza ʋaAmareki, kubva paHavira kuȿikira paShuri, pakatarisana neEgipita. 8Akaɓata Agagi, mambo waʋaAmareki aciri mupenyu, akaparadza ʋanhu ʋose cose neminondo inopinza. 9Asi Sauro naʋanhu ʋakarega Agagi, namakwai akaiȿo‐naka, nedzimŋe ŋombe, neɀimŋe ɀakakora, namakwaiana, neɀose ɀakaŋga ɀakanaka, ʋakaramba kuɀiparadza cose; asi ɀose ɀaʋakaɀidza, ɀakaŋga ɀisino‐kunaka, ndiɀo ɀaʋakaparadza cose.
10Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaSamueri, rikati: 11Ndinoɀiɗemba ɀandakagadza Sauro aʋe mambo, nokuti wadzoka, haacanditeʋeri, haana‐kuita seɀandakamuraira. Samueri akaʋa neshuŋgu, akacema kunaJehova ʋusiku bgose. 12Ɀino Samueri akamuka maŋgwanani kundosoŋgana naSauro. Samueri akaʋudzwa, ɀicinzi: Sauro wakaȿika Karmeri, akaɀimisira shoŋgwe, ɀino watsauka, wapfuʋura, waɓurukira Girgari. 13Samueri akaȿika kunaSauro, Sauro akati kwaari: Jehova ŋgaakuropafadze; ndaita seɀandakarairirwa naJehova. 14Samueri akati: Ko kucema uku kwamakwai munzeʋe dzaŋgu nokukuma kweŋombe kwandinonzwa kunoti kuɗiniko? 15Sauro akati: Ʋabva naɀo kuʋaAmareki, nokuti ʋanhu haʋanakuʋuraya makwai akaiȿo‐naka nenzombe, kuti ʋaɓayire Jehova Mŋari wenyu; asi ɀimŋe ɀose takaɀiparadza cose. 16Ipapo Samueri akati kunaSauro: Nyarara, ndikuziʋise ɀandakaʋudzwa naJehova ʋusiku ubgu. Akati kwaari: Taurai henyu. 17Samueri akati: Kunyaŋge wakaŋga uri muɗuku pakufuŋga kwako, hauna‐kuitwa mukuru wamarudzi aʋaIsraeri here? Jehova wakakuzodza, kuti uʋe mambo waIsraeri; 18Jehova akakutuma parwendo, akati: Enda, uparadze cose ʋatadzi, iʋo ʋaAmareki, urwe naʋo kuȿikira ʋapera. 19Ɀino wakaregereiko kuterera inzwi raJehova, asi wakamhanyira ɀakapambga, ukaita ɀakaipa pamberi paJehova? 20Sauro akati kunaSamueri: Ɀirokwaɀo ndakaterera inzwi raJehova, ndikaenda nenzira yandakaŋga ndatumŋa naJehova, ndikaʋuya naAgagi mambo waʋaAmareki, ndikaparadza ʋaAmareki cose. 21Asi ʋanhu, ndiʋo ʋakatora ɀakapambga, iwo makwai nenzombe, neɀakanaka paɀinhu ɀakaŋga ɀatsaurwa, kuti ʋaɓayire Jehova Mŋari wenyu paGirgari. 22Samueri akati: Ko Jehova uŋgafarira ɀipiriso ɀinopiswa neɀiɓayiro, seɀaanofarira kuterera inzwi raJehova here? Tarira, kuterera kunokunda ɀiɓayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondobge. 23Nokuti kumukira Jehova kwakafanana neciʋi cokuʋuka, ʋuye kusindimara kwakafanana nokunamata kuɀifananidzo neterafimi. Ɀawakaramba shoko raJehova, naiye wakakuramba ʋo, kuti urege kuʋa mambo. 24Ipapo Sauro akati kunaSamueri: Ndakatadza, nokuti ndakaɗarika murairo waJehova, ʋuye namashoko enyu, nokuti ndakatya ʋanhu, ndikaterera manzwi aʋo. 25Ɀino ndinokumbira kuti mundikaŋganwire ʋo ɀiʋi ɀaŋgu, mudzoke neni, ndinamate kunaJehova. 26Samueri akati kunaSauro: Handiŋgadzoki newe, nokuti wakaramba shoko raJehova, naJehova wakuramba newe ʋo, kuti urege kuʋa mambo waIsraeri. 27Ɀino Samueri wakati acitendeʋuka, aciɗo‐kubva, Sauro akaɓata mupendero weŋguʋo yake, iyo ikabvaruka. 28Samueri akati kwaari: Jehova wakabvarura ʋushe bgaIsraeri kwauri nhasi, akabgupa mumŋe wokwako unokukunda nokunaka. 29Ʋuye ʋo Mutendiwa waIsraeri haaŋgareʋi nhema, kana kuɀiɗemba; nokuti haazi munhu uŋgaɀiɗemba. 30Ipapo iye akati: Ndakatadza haŋgu, asi ndikudzei henyu pamberi paʋakuru ʋaŋgu, napamberi paIsraeri, mudzoke neni, ndinamate kunaJehova Mŋari wenyu. 31Naiɀoɀo Samueri akadzoka, akaenda naSauro, Sauro akanamata kunaJehova.
32Ɀino Samueri akati: Ʋuyai kwandiri naAgagi mambo waʋaAmareki. Agagi akaʋuya kwaari, akafara. Agagi akati: Ɀirokwaɀo kuʋaʋa kworufu kwapfuʋura. 33Samueri akati: Munondo wako seɀawakashaisa ʋakadzi ʋana, saiɀoɀo mai ʋako ʋacashaiwa ʋana pakati paʋakadzi. Samueri akaguranya Agagi pamberi paJehova paGirgari.
34Ɀino Samueri akaenda Rama, naSauro ʋo akakwira kumba kwake paGibea kwaSauro. 35Samueri akasazoʋuya ɀe kuʋona Sauro kuȿikira pazuʋa rokufa kwake; asi Samueri wakacema Sauro, naJehova ʋo akaɀiɗemba nokuti wakaŋga aita Sauro mambo waIsraeri.
Currently Selected:
I Samueri 15: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018