1
Zvirevo 3:5-6
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.
Compare
Explore Zvirevo 3:5-6
2
Zvirevo 3:7
Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa.
Explore Zvirevo 3:7
3
Zvirevo 3:9-10
Kudza Jehovha nepfuma yako, zvokutanga zvezvirimwa zvako; ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira, uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva.
Explore Zvirevo 3:9-10
4
Zvirevo 3:3
Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako.
Explore Zvirevo 3:3
5
Zvirevo 3:11-12
Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha, uye usatsamwira kutsiura kwake, nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda, sababa nomwanakomana wavanofarira.
Explore Zvirevo 3:11-12
6
Zvirevo 3:1-2
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu, asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako, nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako, uye nokubudirira.
Explore Zvirevo 3:1-2
7
Zvirevo 3:13-15
Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa, nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha, uye hunopfumisa kupfuura goridhe. Hunokosha kupfuura marubhi; zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.
Explore Zvirevo 3:13-15
8
Zvirevo 3:27
Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo, kana zviri musimba rako kuzviita.
Explore Zvirevo 3:27
9
Zvirevo 3:19
Nouchenjeri Jehovha akateya nheyo dzenyika, nokunzwisisa akaisa matenga munzvimbo dzawo
Explore Zvirevo 3:19
Home
Bible
Plans
Videos