1
Vagaratiya 4:6-7
Shona Bible 1949, revised 2002
Zvino zvamuri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo medu unodana, achiti, “Aba, baba!” Saka iwe hauchiri muranda, asi mwanakomana, kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka naMwari.
Compare
Explore Vagaratiya 4:6-7
2
Vagaratiya 4:4-5
zvino nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, kuti adzikinure vari pasi pomurayiro, kuti tipiwe umwana hwedu.
Explore Vagaratiya 4:4-5
3
Vagaratiya 4:9
asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikanwa naMwari, modzokerazve seiko kunezvokuvamba zvisina simba, zvourombo, muchidazve kutanga kuva varanda vazvo?
Explore Vagaratiya 4:9
Home
Bible
Plans
Videos