1
Muparidzi 7:9
Shona Bible 1949, revised 2002
Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.
Compare
Explore Muparidzi 7:9
2
Muparidzi 7:14
Fara nezuva rokugara zvakanaka, rangarira nezuva rokutambudzika; Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviviri, kuti munhu arege kuziva zviri mberi kwake.
Explore Muparidzi 7:14
3
Muparidzi 7:8
Kuguma kwechinhu kunopfuura kutanga kwacho; ano mwoyo murefu anopfuura ano mwoyo anozvikudza.
Explore Muparidzi 7:8
4
Muparidzi 7:20
Zvirokwazvo, hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka, asingatadzi.
Explore Muparidzi 7:20
5
Muparidzi 7:12
Nokuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo, asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta hupenyu hwaiye anahwo.
Explore Muparidzi 7:12
6
Muparidzi 7:1
Mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa.
Explore Muparidzi 7:1
7
Muparidzi 7:5
Zviri nani kuti munhu anzwe kutuka kwavakachenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi.
Explore Muparidzi 7:5
8
Muparidzi 7:2
Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamwoyo pake.
Explore Muparidzi 7:2
9
Muparidzi 7:4
Mwoyo yavakachenjera iri paimba yokuchema, asi mwoyo yamapenzi iri paimba yokufara.
Explore Muparidzi 7:4
Home
Bible
Plans
Videos