1
Muparidzi 4:9-10
Shona Bible 1949, revised 2002
Vaviri vanopfuura mumwe, nokuti vanomubayiro wakanaka wokubata kwavo. Nokuti kana vakawira pasi, mumwe achasimudza shamwari yake; asi ari oga ane nhamo kana achiwira pasi, haano mumwe angamusimudza.
Compare
Explore Muparidzi 4:9-10
2
Muparidzi 4:12
Kana munhu akavamba mumwe, vaviri vangamudzivisa; rwonzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.
Explore Muparidzi 4:12
3
Muparidzi 4:11
Uyezve, kana vaviri vachivata pamwechete, vachadziyirwa; asi mumwechete angadziyirwa sei?
Explore Muparidzi 4:11
4
Muparidzi 4:6
Tsama imwe yorugare inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo.
Explore Muparidzi 4:6
5
Muparidzi 4:4
Zvino ndakaona kubata kwose noumhizha hwose pakubata, kuti munhu anovengwa nowokwake pamusoro pazvo. Naizvozvo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
Explore Muparidzi 4:4
6
Muparidzi 4:13
Jaya murombo, rakachenjera, rinopfuura mambo mutana benzi, asichazivi kutenda kana achirangwa.
Explore Muparidzi 4:13
Home
Bible
Plans
Videos