1
1 VaTesaronika 5:16-18
Shona Bible 1949, revised 2002
Farai nguva dzose. Rambai muchinyengetera. Vongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.
Compare
Explore 1 VaTesaronika 5:16-18
2
1 VaTesaronika 5:23-24
Mwari worugare amene ngaakuitei vatsvene kwazvo; Mweya wenyu, nomwoyo, nomuviri, zvichengetwe kwazvo, zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. Akatendeka ndiye anokudanai, achazviitawo.
Explore 1 VaTesaronika 5:23-24
3
1 VaTesaronika 5:15
Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva mumwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose mutevere zvinhu zvakanaka, mumwe kunomumwe, nokuna vose.
Explore 1 VaTesaronika 5:15
4
1 VaTesaronika 5:11
Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoitawo.
Explore 1 VaTesaronika 5:11
5
1 VaTesaronika 5:14
Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti murayire vasingateereri murayiro, musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasina simba, muve nomwoyo murefu kuna vose.
Explore 1 VaTesaronika 5:14
6
1 VaTesaronika 5:9
Nokuti Mwari haana kutiisira kutsamwa, asi kuti tiwane ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu
Explore 1 VaTesaronika 5:9
7
1 VaTesaronika 5:5
Nokuti imi mose muri vana vechiedza, navana vamasikati; hatizi vohusiku, kana verima.
Explore 1 VaTesaronika 5:5
Home
Bible
Plans
Videos