1
ƲaRoma 14:17-18
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋushe bgaMŋari haɀizi ɀokudya kana ɀokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMŋeya Mutȿene. Nokuti unoɓatira Kristu paɀinhu iɀi, unofadza Mŋari, ʋuye unotendwa naʋanhu.
Compare
Explore ƲaRoma 14:17-18
2
ƲaRoma 14:8
Nokuti kana ticirarama tinoraramira Ishe; kana ticifa, tinofira Ishe; ɀino kana ticirarama, kana ticifa, tiri ʋaShe.
Explore ƲaRoma 14:8
3
ƲaRoma 14:19
Naiɀoɀo ŋgatitȿake iɀo ɀinoʋuyisa rugare neɀatiŋgasimbisana naɀo.
Explore ƲaRoma 14:19
4
ƲaRoma 14:13
Naiɀoɀo ŋgatirege kuramba ticitoŋgana; asi ɀirinani kuti mutoŋge, kuti munhu arege kuisa cigumbuso kana cinopiŋganidza pamberi pehama yake.
Explore ƲaRoma 14:13
5
ƲaRoma 14:11-12
Nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe — ibvi rimŋe nerimŋe ricandifugamira, Rurimi rumŋe norumŋe rucakudza Mŋari. Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe weɗu ucaɀiɗaʋirira kunaMŋari.
Explore ƲaRoma 14:11-12
6
ƲaRoma 14:1
Ɀino gamucirai usinesimba pakutenda kwake musiŋgaiti gakaʋa naye pamsoro pokufuŋga kwake.
Explore ƲaRoma 14:1
7
ƲaRoma 14:4
Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumŋe munhu mhoȿa? Iye unomira kana unowa pamberi paShe wake. Ucamiswa hake, nokuti Ishe unesimba rokumumisa.
Explore ƲaRoma 14:4
Home
Bible
Plans
Videos