Ɀino uziʋe cinhu ici, kuti namazuʋa okupedzisira ŋguʋa dzokutambudzika dzicaȿika. Nokuti ʋanhu ʋacaʋa ʋanoɀiɗa, ʋanoɗa mari, ʋanoɀirumbidza, ʋanoɀikudza, ʋanotuka, ʋasiŋgatereri ʋaɓereki, ʋasiŋgaʋoŋgi, ʋasati ʋari ʋatȿene, ʋasinoruɗo cairwo, ʋasiŋgaɗi kuyanana, ʋanocera ʋamŋe, ʋasiŋgaɀidzori, ʋanehasha, ʋasiŋgaɗi ɀinhu ɀakanaka, ʋanonyeŋgera, ʋasiŋgaraŋgariri, ʋanoita manyawi, ʋanoɗa ɀinofadza ɀenyika kupfuʋura Mŋari; ʋanomufananidzo ɓedzi wokunamata Mŋari, asi ʋakarasha simba rako; ufuratire ʋanhu iʋaʋa ʋo.