1
I ƲaKorinte 13:4-5
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ruɗo runomŋoyo murefu, runomŋoyo munyoro; ruɗo harunegoɗo; ruɗo harunamanyawi, haruɀikudzi; haruiti ɀisiŋgafaniri, haruɀitȿakiri ɀarwo; harutsamŋi, haruneɀishura
Compare
Explore I ƲaKorinte 13:4-5
2
I ƲaKorinte 13:7
runofukidza ɀose, runotenda ɀose, runetariro paɀose, runotsuŋgirira paɀose.
Explore I ƲaKorinte 13:7
3
I ƲaKorinte 13:6
harufariri ɀisakarurama, asi runofarira ɀokwaɗi
Explore I ƲaKorinte 13:6
4
I ƲaKorinte 13:13
Ɀino kutenda, netariro, noruɗo, ɀitatu iɀi, ndiɀo ɀinogara; asi cikuru pakati paɀo ndirwo ruɗo.
Explore I ƲaKorinte 13:13
5
I ƲaKorinte 13:8
Ruɗo harutoŋgoperi; ɀino kana kuri kuprofita, kucabviswa; kana dziri ndimi, dzicaguma; kana kuri kuziʋa, kucabviswa.
Explore I ƲaKorinte 13:8
6
I ƲaKorinte 13:1
Kunyaŋge ndikataura nendimi dzaʋanhu nedzaʋatumŋa, ndisinoruɗo, ndaʋa sendarira dzinorira, neɗare rinoŋgoti: Ŋgwereŋgwere!
Explore I ƲaKorinte 13:1
7
I ƲaKorinte 13:2
Kunyaŋge ndinecipo cokuprofita, ndicinzwisisa ɀakaʋanzika ɀose, nokuziʋa kwose; kunyaŋge ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisinoruɗo, handizi cinhu.
Explore I ƲaKorinte 13:2
8
I ƲaKorinte 13:3
Kunyaŋge ndagoʋera ʋarombo ɀose ɀandinaɀo, kunyaŋge ndikaisa muʋiri waŋgu kuti ndipiswe, ndisinoruɗo, handiɓatsirwi cinhu.
Explore I ƲaKorinte 13:3
9
I ƲaKorinte 13:11
Ini ndiciri mŋana, ndaitaura somŋana, ndaifuŋga somŋana, ndairaŋgarira somŋana; ɀino ɀandaʋa murume, ndabvisa ɀinhu ɀomŋana.
Explore I ƲaKorinte 13:11
Home
Bible
Plans
Videos