1
Johani 3:16
Shona Bible 1949, revised 2002
Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa mumwe woga, kuti ani naani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.
Qhathanisa
Hlola Johani 3:16
2
Johani 3:17
Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.
Hlola Johani 3:17
3
Johani 3:3
Jesu akapindura, akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi kutsva, haangaoni ushe hwaMwari.”
Hlola Johani 3:3
4
Johani 3:18
Anotenda kwaari, haatongwi; asi asingatendi kwaari, atotongwa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari akaberekwa mumwe woga.
Hlola Johani 3:18
5
Johani 3:19
Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.
Hlola Johani 3:19
6
Johani 3:30
Iye anofanira kukura, asi ini ndinofanira kudukupiswa.”
Hlola Johani 3:30
7
Johani 3:20
Nokuti mumwe nomumwe, anoita zvakaipa, anovenga chiedza, haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.
Hlola Johani 3:20
8
Johani 3:36
Anotenda Mwanakomana, ano upenyu husingaperi; asi asingatereri Mwanakomana, haangaoni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.
Hlola Johani 3:36
9
Johani 3:14
Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo
Hlola Johani 3:14
10
Johani 3:35
Baba vanoda Mwanakomana, vakamupa zvose muruoko rwake.
Hlola Johani 3:35
Ikhaya
IBhayibheli
Amapulani
Amavidiyo