Genesi 15
15
Jehova unoita suŋgano naAbrama.
1Shure kwaiɀoɀo shoko raJehova rakaȿika kunaAbrama paneɀaakaratidzwa, riciti: Usatya Abrama; ini ndiri nhoʋo yako nomuɓairo wako mukuru‐kuru. 2Abrama akati: Ishe Jehova, mucandipeiko, ɀandofa haŋgu ndisinomŋana; ucaʋa mudyi wenhaka yeimba yaŋgu ndiEriezeri weDamasiko kanhi? 3Abrama akati: Tarirai, hamuna‐kundipa mŋana; ɀino uyo wakaponerwa mumba maŋgu ndiye ucaʋa mudyi wenhaka yaŋgu. 4Ipapo shoko raJehova rakaȿika kwaari, rikati: Uyu haaŋgaʋi mudyi wenhaka yako; asi uyo, ucaɓuɗa paʋura bgako, ndiye ucaʋa mudyi wenhaka yako. 5Akamuɓuɗisa panze, akati: Ɀino tarira kuɗeŋga, uʋereŋge nyeredzi, kana ucigona kudziʋereŋga. Akati kwaari: Ndiɀo ɀicaita ʋana ʋako. 6Iye akatenda Jehova, akamuti ndiko kururama kwake. 7Akati kwaari: Ndini Jehova wakakuɓuɗisa panyika yeUri yaʋaKardia, kuti ndikupe nyika iyi, iʋe nhaka yako. 8Iye akati: Ishe Jehova, ndicaziʋa seiko kuti icaʋa nhaka yaŋgu? 9Akati kwaari: Nditorere tsiru rinamakore matatu, neshece yembudzi inamakore matatu, negondobge rinamakore matatu, nenjiʋa, nomŋana wenjiʋa. 10Akandomutorera iɀoɀo ɀose, akaɀipamura napakati, akagadzika rumŋe rutiʋi rwakatarisana norumŋe; asi shiri haanakudzipamura. 11Ipapo magora akaɓurukira kunyama, asi Abrama wakaadziŋga. 12Ɀino zuʋa rakati roʋira, Abrama ndokuɓatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru. 13Akati kunaAbrama: Uziʋe kwaɀo kuti ʋana ʋako ʋacaʋa ʋatorwa munyika isati iri yaʋo: ʋacaʋa ʋaranda ʋaʋo; ʋacatambudzwa makore anamazana manna; 14asi ini ndicatoŋga rudzi urwo rwaʋacashumira; pashure ʋacaɓuda’po nefuma zhinji. 15Asi iwe ucaenda kunamadziɓaɓa ako norugare; ucaʋigwa wakwegura kwaɀo. 16Rudzi rwecinna rucadzokera pano, nokuti kusarurama kwaʋaAmori kucigere kuzara. 17Ɀino zuʋa rakati raʋira, kwaȿiɓa, coto cinopfuŋgaira nezhenje romŋoto ɀakaʋonekwa ɀicipfuʋura napakati penhindi idzedzo dzenyama. 18Nomusi iwoyo Jehova akaita suŋgano naAbrama, akati: Ʋana ʋako ndaʋapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipita kuȿikira kurwizi rukuru, runonzi Yufratesi: 19ƲaKeni, naʋaKenizi, naʋaKadmoni, 20naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaRefaimi, 21naʋaAmori, naʋaKanani, naʋaGirgashi, naʋaJebusi.
Àwon tá yàn lọ́wọ́lọ́wọ́ báyìí:
Genesi 15: SUB1949
Ìsàmì-sí
Pín
Daako
Ṣé o fẹ́ fi àwọn ohun pàtàkì pamọ́ sórí gbogbo àwọn ẹ̀rọ rẹ? Wọlé pẹ̀lú àkántì tuntun tàbí wọlé pẹ̀lú àkántì tí tẹ́lẹ̀
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018