1
Genesisi 9:12-13
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Uye Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita pakati pangu nemi nezvisikwa zvose zvipenyu zvinemi, sungano yamarudzi ose ari kuzouya: Ndaisa muraravungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.
Karşılaştır
Genesisi 9:12-13 keşfedin
2
Genesisi 9:16
Pose panoonekwa muraravungu mumakore, ndichaona ndigorangarira sungano yangu isingaperi pakati paMwari nezvisikwa zvipenyu zvose zvemhando dzose panyika.”
Genesisi 9:16 keşfedin
3
Genesisi 9:6
“Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti nomufananidzo waMwari, Mwari akaita munhu.
Genesisi 9:6 keşfedin
4
Genesisi 9:1
Ipapo Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekanai muwande uye muzadze nyika.
Genesisi 9:1 keşfedin
5
Genesisi 9:3
Zvinhu zvose zvinorarama nezvinokambaira zvichava zvokudya zvenyu. Sezvandakakupai muriwo munyoro, ndiri kukupai zvino zvinhu zvose.
Genesisi 9:3 keşfedin
6
Genesisi 9:2
Mhuka dzose dzenyika neshiri dzose dzedenga dzichakutyai uye dzichakuvhundukai; zvisikwa zvose zvinokambaira panyika, nehove dzose dzegungwa, zvakapiwa mumaoko enyu.
Genesisi 9:2 keşfedin
7
Genesisi 9:7
Kana murimi, berekanai muwande; muwande panyika uye muwande kwazvo pamusoro payo.”
Genesisi 9:7 keşfedin
Ana Sayfa
Kutsal Kitap
Okuma Planları
Videolar