1
Genesisi 4:7
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Kana ukaita zvakanaka, haungagamuchirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakakuvandira pamukova wako; chinoda kukubata, asi iwe unofanira kuchikunda.”
เปรียบเทียบ
สำรวจ Genesisi 4:7
2
Genesisi 4:26
Setiwo akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyo vanhu vakatanga kudana kuzita raJehovha.
สำรวจ Genesisi 4:26
3
Genesisi 4:9
Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Aripiko mununʼuna wako Abheri?” Iye akati, “Handizivi. Ko, ndini muchengeti womununʼuna wangu here?”
สำรวจ Genesisi 4:9
4
Genesisi 4:10
Jehovha akati, “Waiteiko? Inzwa! Ropa romununʼuna wako riri kudanidzira kwandiri richibva muvhu.
สำรวจ Genesisi 4:10
5
Genesisi 4:15
Asi Jehovha akati kwaari, “Kwete hazvingadaro; kana munhu upi zvake akauraya Kaini, achatsiviwa kanomwe.” Ipapo Jehovha akaisa rupau pana Kaini kuitira kuti kurege kuva nomunhu anenge amuwana angazomuuraya.
สำรวจ Genesisi 4:15
YouVersion ใช้คุกกี้สำหรับการปรับแต่งการใช้งาน และประสบการณ์ของคุณ การที่คุณได้ใช้เว็บไซต์ของเรา ถือเป็นการที่คุณยอมรับวัตถุประสงค์ของการใช้คุกกี้ ซึ่งมีคำอธิบายอยู่ในนโยบายความเป็นส่วนตัวของเรา
หน้าหลัก
พระคัมภีร์
แผนการอ่าน
วิดีโอ