1
Ruka 14:26
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
“Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanunʼuna vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu.
Муқоиса
Explore Ruka 14:26
2
Ruka 14:27
Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.
Explore Ruka 14:27
3
Ruka 14:11
Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
Explore Ruka 14:11
4
Ruka 14:33
Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu.
Explore Ruka 14:33
5
Ruka 14:28-30
“Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here? Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka, achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’
Explore Ruka 14:28-30
6
Ruka 14:13-14
Asi kana ukagadzira mabiko, ukoke varombo, zvirema, vanokamhina, namapofu, ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”
Explore Ruka 14:13-14
7
Ruka 14:34-35
“Munyu wakanaka, asi kana warasikirwa nokuvava kwawo, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri muvhu kana padutu romupfudze; unorasirwa kunze. “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
Explore Ruka 14:34-35
Асосӣ
Китоби Муқаддас
Нақшаҳо
Видео