1
Johani 6:35
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Ipapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
Муқоиса
Explore Johani 6:35
2
Johani 6:63
Mweya ndiye anopa upenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndiwo mweya, uye ane upenyu.
Explore Johani 6:63
3
Johani 6:27
Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari.”
Explore Johani 6:27
4
Johani 6:40
Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana agotenda kwaari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.”
Explore Johani 6:40
5
Johani 6:29
Jesu akapindura akati, “Basa raMwari nderiri: kuti mutende kuna iye waakatuma.”
Explore Johani 6:29
6
Johani 6:37
Zvose zvandinopiwa naBaba zvichauya kwandiri, uye ani naani anouya kwandiri handingatongomurasiri kure.
Explore Johani 6:37
7
Johani 6:68
Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi.
Explore Johani 6:68
8
Johani 6:51
Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.”
Explore Johani 6:51
9
Johani 6:44
Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.
Explore Johani 6:44
10
Johani 6:33
Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye anopa upenyu kunyika.”
Explore Johani 6:33
11
Johani 6:48
Ndini chingwa choupenyu.
Explore Johani 6:48
12
Johani 6:11-12
Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove. Vakati vadya vose, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvose zvasara. Musarega zvichiraswa.”
Explore Johani 6:11-12
13
Johani 6:19-20
Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru. Asi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.”
Explore Johani 6:19-20
Асосӣ
Китоби Муқаддас
Нақшаҳо
Видео