VaRoma 15:5-13
Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu, kuti mukudze Mwari naBaba waIshe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe. Naizvozvo, gamuchiranai, sezvamakagamuchirwa naKristu, kuti Mwari arumbidzwe. Nokuti ndinoti kwamuri Kristu akava muranda wavaJudha akamirira zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba kuti veDzimwe Ndudzi vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati peveDzimwe Ndudzi; ndichaimbira zita renyu nziyo.” Uyezve zvinonzi, “Farai imi veDzimwe Ndudzi, pamwe chete navanhu vake.” Uyezve, “Rumbidzai Ishe, imi mose veDzimwe Ndudzi, uye muimbirei nziyo dzokurumbidza, imi marudzi ose.” Uyezve, Isaya anoti, “Mudzi waJese uchatunga, iye achamuka kuzotonga pamusoro pendudzi dzose; veDzimwe Ndudzi vachava netariro maari.” Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.
VaRoma 15:5-13