Mapisarema 9:1-6
Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose. Ndichafara nokufarisisa mamuri; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro. Vavengi vangu vanodzokera shure; vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu. Nokuti makatsigira kodzero yangu nenyaya yangu; makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo. Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa; makadzima zita ravo nokusingaperi. Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi, makadzura maguta avo; kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara.
Mapisarema 9:1-6