Mapisarema 77:10-20
Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pane izvozvi: makore oruoko rworudyi reWokumusoro-soro.” Ndicharangarira mabasa aJehovha; hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare. Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndicharangarira mabasa enyu makuru. Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene. Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu? Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu. Noruoko rwenyu rune simba, makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari, mvura zhinji yakakuonai ikatya; kwakadzika chaiko kwakabvunda. Makore akadurura mvura, kumatenga kwakaunga nokutinhira; miseve yenyu yakapenya kuno nokoko. Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri, kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika; nyika yakadedera ikadengenyeka. Gwara renyu rakapinda nomugungwa, nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji, kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi. Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai noruoko rwaMozisi naAroni.
Mapisarema 77:10-20