Mapisarema 46:1-5
Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika. Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka, uye makomo akawira mukatikati megungwa, kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo, uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera Pane rwizi rwuripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yeWokumusoro-soro. Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.
Mapisarema 46:1-5