Mapisarema 42:1-5
Senondo inodokwairira hova dzemvura, saizvozvo mweya wangu unodokwairirai, imi Mwari. Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu. Ndingaenda riniko kundosangana naMwari? Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangu masikati nousiku, asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri, “Mwari wako aripiko?” Ndinorangarira zvinhu izvi pandinodurura mweya wangu, mafambiro andaiita navazhinji ndichitungamirira mudungwe wavanhu kuimba yaMwari, nokupembera nomufaro uye nokuvonga pakati pavazhinji pamutambo. Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu.
Mapisarema 42:1-5