Mapisarema 34:4-11
Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose. Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi. Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose. Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura. Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari. Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa. Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka. Uyai, vana vangu, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
Mapisarema 34:4-11