Mapisarema 22:1-8
Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu? Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari. Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri. Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira. Vakachema kwamuri, vakaponeswa; vakavimba nemi uye havana kunyadziswa. Asi ini ndiri honye kwete munhu, ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi. Vose vanondiona vanondiseka; vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Anovimba naJehovha; Jehovha ngaamununure. Ngaamuponese, sezvo achimufarira.”
Mapisarema 22:1-8