Mapisarema 111:1-10
Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, padare ravakarurama nepagungano. Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari. Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi. Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni. Anopa zvokudya kuna avo vanomutya; anorangarira sungano yake nokusingaperi. Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, achivapa nyika dzedzimwe ndudzi. Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama, mitemo yake yose yakavimbika. Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri, yakaitwa mukutendeka nokururama. Akapa dzikinuro kuvanhu vake; akasimbisa sungano yake nokusingaperi, zita rake idzvene uye rinotyisa. Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.
Mapisarema 111:1-10