Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri.
Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.
Uhukudze; ipapo huchakusimudzira;
uhumbundikire, ipapo huchakukudza.
Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako,
uye huchakupa korona yokubwinya.”