Zvirevo 31:10-25
Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana? Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi. Murume wake anovimba naye zvizere, uye haana chaanoshayiwa chinokosha. Anoitira murume wake zvakanaka, kwete zvakaipa, mazuva ose oupenyu hwake. Anosarudza wuru neshinda uye anoshanda namaoko anoshingaira. Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure. Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya uye agopa varandakadzi vake basa ravo. Anonanʼanidza munda agoutenga; anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake. Anoita basa rake nesimba; maoko ake akasimba kuti aite mabasa ake. Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira, uye mwenje wake haudzimi pausiku. Muruoko rwake anobata chirukiso, uye anobata chirukwa neminwe yake. Anotambanudzira maoko ake kuvarombo, uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa. Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake; nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya. Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake; anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru. Murume wake anoremekedzwa pasuo reguta, kana agere pakati pavakuru venyika. Mudzimai anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa, uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro. Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake; anofara akatarisana namazuva anouya.
Zvirevo 31:10-25