Zvirevo 22:1-6
Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe. Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose. Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambudzika nokuda kwaizvozvo. Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu. Munzira yeakaipa mune minzwa nemisungo, asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo. Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.
Zvirevo 22:1-6