Zvirevo 2:5-12
ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari. Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa. Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa, nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake. Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka. Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako. Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda. Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama
Zvirevo 2:5-12