Mako 6:30-33
Vapostori vakaungana pana Jesu vakamuudza zvose zvavakanga vaita nezvavakanga vadzidzisa. Zvino nokuda kwokuti vanhu vazhinji vakanga vachingouya nokuenda zvokuti havana kugona kuwana kunyange mukana wokudya, akati kwavari, “Handei tose, imi neni chete, kunzvimbo yakanyarara kuti mumbondozorora.” Saka vakaenda voga mugwa kunzvimbo yakanyarara. Asi vazhinji vakavaona vakavaziva uye vakamhanya netsoka vachibva kumaguta ose vakavatangira kusvikako.
Mako 6:30-33