Mateo 5:6-12
Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama nokuti vachagutswa kwazvo. Vakaropafadzwa vane tsitsi nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi. Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo, nokuti vachaona Mwari. Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari. Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.
Mateo 5:6-12